Misodzi: Chitsauko 7

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 7

Mhepo yaivhuvhuta kunze kwakakwidibira, kuchitonhora. Zein aive akanyorova mbatya dzose achigwagwadza uye achingochema. Aisachema zvekuridza mhere, chaioneka misodzi nemaziso kutsvuka nekuzvimba chete.

Ndiwo magumo angu here aya?’ Zein aifunga.

Katarina akavhura gedhi kuti harada, Toyota Prado nhema ikapinda ichiridza bhero kuratidza mufaro wemutairi wayo. Katarina akavhara gedhi achisekerera zvikuru.

Zein ainetseka achizvibvunza kuti, ‘angava ani uyu?’ Akaramba akatarisa motokari iya ichinanaira kusvika yazomira pedyo nemba. Akaramba achifunga kusvikira murume aityaira motokari iya aburuka. Aive murume murefu, akachena.

Katarina akasvika akasvetukira murume uya achidanidzira kuti, “Daddy, daddy”.

Zein akanzwa kuchiva achiona Katarina achimbundira baba vake. “Seiko upenyu hwangu hwakasiyana nehwevamwe? Sei vabereki vangu vasinganditsvagiwo kuti ndivasvetukirewo ndichivafarira?’ Pfungwa dzaZein dzaingobayana.

Zein akademba kuti dai murume uyu anga ari baba vake uye kuti dai angouya amutora kubva pamba pamainini Tsitsi. Aidembawo zvekare kuti dai vanga vari sekuru vake vauya kuzomutora, vauya kuzopedza kushungurudzwa kwake. Flu yaimubata zvakaipa zvekuti kadon’we kamwe kemvura kakamudonhera ndiko kwaive kupera kweupenyu hwake.

Mwari Ishe, ndidzoserei kune vabereki vangu kuti ndivambundirewo chero kwavari ikoko’, Zein ainamata akatarira mudenga.

“Mangwanani akanaka Daddy. Ndafara kukuonai mushure memwedzi minomwe”, Katarina akataura nemufaro akabata ruoko rwavo nesimba.

“Kana neniwo ndafara kukuona Katarina. Wakura chokwadi, pandikakusiya wainge usina kukura kudai. Uri kudya fertilizer here? Ndiri kuzviona kuti mhamha vanga vachikuchengeta zvakanaka muzvare wangu”, Baba vaKatarina vainyemwerera vachitaura. “Ndakutengera matoyi ako nevamwe vako. Ko vamwe vari kupi?” Ipapo Mainini Tsitsi, Mary naJack vakabuda mumba vachifambisa vachifara.

“Daddy”, Jack akashevedzera achimhanya. Akasvetukira baba vake sezvakaitwa naMary. Vakafara kuona Baba vavo.

Zein achiona izvi, akarangarira mazuva Sekuru paivaiita nzendo vozodzoka kwapera mwedzi yakawanda. Ambuya naZein vaifara zvikuru pavaizovaona. Ndipo paakatanga kuona rudo mumaziso aAmbuya apo vachimbundira Sekuru. Sekuru vaiuya nezvinhu zvakawanda, kunyangwe vasina mari asi vaiitira Zein chimwe chinhu kuti afare.

Ko ivo Baba vaKatarina vanditengerawo here?’ Zein aifunga izvi achidedera kunze kuchibvura chando.

“Sei musina kundiudza kuti muri kuuya nhasi Daddy?” Mainini Tsitsi vakabvunza vachimbundirana.

“Ndakasimuka kuVictoria Falls bhatiri rapera, uye car charger yangu haisi kushanda saka ndaive ndisina nzira yekuti ndikubatei. Pamusoro pazvo ndaida kuita surprise, dai ndakakuudzai yaisazoita surprise”, Baba Katarina vakapindura vachisekerera.

“Daddy manditengera matoyi here?” Jack akabvunza

“Hongu mwanagu, ndakutengera matoyi nezvimwe zvakawanda-wanda”, Baba vake vakapindura.

“Mudiwa, kuri kutonhora kuno kupfuura kuVictoria Falls kwandinoshandira. Harare inondibhowera nyaya yekuti kana kwafunga kutonhora kunobva kwatonhoresa. Tarira, Jack haana kupfeka juzi. Enda umupe juzi apfeke, kunze kune chando uku”, Baba Katarina vakataura vachipetera maoko avo pachipfuva.

Zein aingoyeredza misodzi achiteerera hurukuro yavo kusvika murume wamainini Tsitsi afunga zvekupinda mumba munodziya. Paaifamba ndipo paakaona Zein akapfugama pasi uye akanyorova ari pakona yemba. Akamira akatarisa ari nechekure achinetseka kuti chii chiri kuitika.

Akafamba kuenda paiva naZein akati, “sei wakapfugama pasi uye wakatota kunze kuri kutonhora kudai? Simuka uende kunochinja mbatya usati warwariswa nechando ichi”, akataura achishamisika.

“Mangwanani akanaka baba. Ndikangosimuka chete pano Mainini Tsitsi vangandiuraya. Handidi kuti vandikuvadze zvekare”, Zein akapindura nezwi raidambuka-dambuka nekuti aichema.

Murume waMainini Tsitsi akabatwa moyo nemashoko aZein asati amuudza kuti asimuke. Zein akarangarira zvakaaudzwa naAmbuya, vakamuti, “nguva dzose ita zvaunenge waudzwa nevakuru”. Akabva asimuka.

“Nditevere”, Murume waMainini Tsitsi akadaro. Zein akatevera mumashure mavo. Baba Katarina vakafambisa kuti vanotaura nemudzimai wavo Mainini Tsitsi.

Zein aingotevera ndokubva amiswa naJack, akati “uri kuti uri kuenda kupi?” Zein haana kupindura asi akaramba akamutarisa.

“Baba vangu vadzoka, ndiri kufara chose. Iwe hauna kana munhu waunoti baba kana amai, uri nherera. Zvino ndinoda kuudza mhamha kuti vakudzinge mumba medu”, Jack akaseka zvekusvotesa Zein apo misodzi ichingosinina.

Panguva iyoyo, Zein akanzwa Mainini nemurume wavo vachipopotedzana kubhedhurumu kwavo.

“Chirudzii kudira mwana mudiki kudaro mvura yakatonhora kunze kuchicheka nechando zvakadai, ko akafa unoita sei? Vabereki vake unovaudza kuti chii? Dai ari mwana wako aitwa izvozvo ungafara here?”

“Hauna kubvunza kuti aita sei, wangotangira nyaya yako kumapeto kuita sekuti ndiri mudzimai akaipa moyo inini. Hameno nehunhu hwako ihwohwo. Ndichapedzerana nekamukomana ikako, handina basa nezvaakuudza kuti ndamuita zviri kukupa kumutsigira”, Mainini Tsitsi vakapindura nehasha.

“Usatombosvike pedyo kana kubata mwana iyeye. Hauna moyo chokwadi. Haungapfugamise mwana panze iko kuchitonhora zvakadai apa wamudira mvura futi, he-e? Ndiani anoita izvozvo kumwana? A-a hauna tstsi, Tsitsi”, Murume waMainini Tsitsi akataura nezwi rizere kurwadziwa.

Zein ainzwa vachipopotedzana akavhura meso misodzi yakati mokoto. Akazvibvunza kuti, ‘Murume waMainini Tsitsi angave mununuri wangu here?

“Handidi kuti ushungurudze mukomana iyeye futi. Ngaave nezororo repfungwa pamba pano. Kana usingagoni kumubata zvakanaka, wakamutorerei?” Murume waMainini Tsitsi akabvunza asi Mainini Tsitsi havana kupindura.

Manheru acho, kudya kwemanheru kwagadzirwa mu-dining room. Zein akaenda chinyararire kukamuri yake sezvo aiziva kuti kunyangwe zvaita sei, Amainini Tsitsi havamubvumidze kudya mupoto imwe nevana vavo. Chaanoziva ndechekuti chake isadza nemunyu kana tsvigiri. Saka naizvozvo, akaenda kukamuri yake kunorara.

Mushure memaminitsi mashomanani, Katarina akapinda mumba maZein asina kugogodza. “Sei nguva dzose uchida kunorara kana chikafu chemasikati kana chemanheru chapakurwa?” Katarina akabvunza Zein.

Zein haana kupindura, akangotarisa Katarina mumaziso.

“Zvisinei, Baba vati ndikudaidze kuti uuye kuti tidye pamwe chete. Unoziva kuti wave nemazuva usingadyi”, Katarina akaenderera mberi.

Zein akamuka akatevera Katarina kutafura. Nyama iri mumuto wakatsvukirira yaive yakazara. Akatarisa Jack naMary vachidya kudya kwake kwepamoyo, mupunga nenyama yehuku.

“Huya ugare pedyo neni, Murume waMainini Tsitsi akadaidza Zein. Zein akaenda akagara pedyo navo. Mainini Tsitsi vainge vasipo patafura.

Vakamutambidza yake ndiro ine mupunga, nyama yehuku uye potato chips ndokubva vabuda panze kunodavira runhare rwavo. Zein akafara kudyira pa-dining table kechipiri kubva auya pamba apa.

Amainini Tsitsi vakapinda vakatora chigaro chavo. Vakadzvokora Zein ndokubva vamubvunza kuti, “ndiani akuti uuye ugare pano? Wakazvitanga riini izvozvo? Siya chikafu ichocho pasi ushaike pano uende kukamuri kwako, izvozvi”. Vakataura vachirovanisa maoko nehasha.

Zein akakwakuka akasiya chikafu akamhanya kudzokera kukamuri kwake achidonhedza misodzi.

END OF CHITSAUKO 7. Read the next episode, Chitsauko 8 here now.

The full version is available, get it here.

Like my page Kelvin Jasi Stories. Thank you!

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!