NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi
CHITSAUKO 6
Semwana, Zein akaenda kukamuri yake akatsamwa achichema achidemba kuti dai asina kumbobvira auya kuzogara namainini Tsitsi.
Husiku uhwu, akarara nemisodzi pamatama akamuka mwangwana acho nemisodzi pamatama. ‘Rudo rwuri kure neni… ndichazowanawo rudo here pasi pano? Kubva kuna ani chaizvo?’’
Zein akarangarira mashoko aakaudzwa naambuya vake vachiri kumusha. Vakati, “Mwari vanopindura minamato kana uchinge wanamata nemoyo wese, nesimba rako rese, nemweya wako wese. Namata nguva dzose, Mwari vanokunzwa vopindura kunyanya paunenge wave mudambidziko nekuti Mwari vanonzwa minamato yevana zvakanyanya kupfuura yevakuru”. Akapfugama akatanga kunamata panguva iyoyo.
Mashoko aambuya vake akamupa tariro nekutenda kuti Mwari vachapindura minamato yake. Panguva iyi, Zein aifungisisa kuti aedze Mwari sezvo Ambuya vakambomuti, “isa Mwari pamuedzo, havambokurarisise”.
Akasimuka akavhara gonhi, akarikiya akatanga kunamata:
“Ishe Jesu, Ambuya vakandiudzidzisa kuti muripo asi hamuoneki. Vakandiudza kuti munopindura miteuro yevana vadiki. Vakandiudza zvekare kuti muri Baba kune avo vasina vanababa, uye muri amai kune avo vasina vanaamai. Vakanditaurira kuti munobatsira avo vanoda rubatsiro uye kuti mune rudo nevana vadiki. Kana zvose zvavakandiudza nezvenyu zviri zvechokwadi, sei muchindisiya ndichitambura ndiri mumaoko aMainini Tsitsi? Sei muchingovatarisa vasingandibati zvakanaka kudai, vachindibata semhuka? Sei nhai Mwari? Chirudzii?”
Zein akanzwa kugogodza pagonhi rake asi haana kuita hanya nazvo, akaramba achinyengetera kuna Musiki. Kugogodza kwakaramba kuchiwedzera asi haana kuita basa nazvo.
Ainyengetera kuti Mwari vapindire muupenyu hwake. Akanamatira rugare uye rudo munhuri yamainini Tsitsi. Zein akakumbirawo kuti Mwari vadzose vabereki vake kubva kungava kupi kwavari. Akanamata sesoja remunamato mupfungwa dzake.
Paakapedza kunyengetera, misodzi yaisangana pachirebvu, yozodonha pasi.
Akanzwa izwi raMainini Tsitsi richidanidzira kuti, “Ndakutuma kuti undishevedzere mukomana uyo. Chii chakunonotsa?”
Zein zvakamunetsa kuti ndiani anga atumwa kuzomushevedza. Ndipo paakanzwa izwi raMary richipindura, “mhamha, ndagogodza pagonhi rake asi haana kuvhura”.
“Unorevei kana uchiti haana kuvhura?” Mainini tsitsi vakabvunza nehasha.
Zein akabva avhura gonhi nekukurumbidza akamira pamusiwo. Akanzwa mutsindo waMainini Tsitsi vachiuya kukamuri kwake.
Mainini Tsitsi vakamuona akamira. Vakamubata pahuro yehembe yake, vakamudhonzera panze vakamudira mugomo wemvura inotonhora.
“Pfugama apa!” Amainini Tsitsi vakamuvhumbura kunge musoja.
Zein akagwadama pasi kunge mbavha yabatwa ichiba. Muviri wose wakatanga kudedera nechando chekuseni uye hana yairova nekutya.
“Unofunga kuti uri chii mumba muno zvekuti ndinotuma munhu kuti akushevedze asi wokiyira mwana wangu door mumba mangu iwewe? Ndakati uri dhimoni iwe. Vabereki vako vakakusiya nekuti uri chituko. Handifungi kuti ndingarambe ndichikuchengeta mumba mangu, kwete, kwete, handikwanisi”, Mainini Tsitsi vakapopota.
Katarina akaona Zein akapfugamiswa akanyorova hembe dzese. Akabuditsa musodzi akamira pamusiwo achishaya zvekuita. Jack ainongedzera Zein achimuseka.
Katarina akaenda paiva naZein akati, “chokwadi handichazivi zvekukuudza, Zein. Dai ndaive nesimba ndaiti usimuke ubve ipapo. Zvinondirwadza kukuona une misodzi pameso ako, zvinondibaya pamoyo kukuona wakasuwa. Zinondirwadza zvikuru. Unokwanisa kuita chinhu chimwe chete kuti uchinje moyo wamhamha”.
“Chii ichocho chandingaite kuti ndibe moyo wavo? Nekuti ndanamata sezvandikaudzwa naAmbuya vachiti zvinoshanda asi hazvisi kundishandira. Pamwe amai vako vakataura chokwadi kuti vabereki vakandisiya nekuti ndiri chituko”, misodzi yaZein yakawedzera kubvinza paaitaura izvi.
“Hauna kutukwa naMwari Zein. Vabereki vako havana kukusiya nekuti uri chituko, kwete. Chaunofanira kuita kuramba uchinamata, chokwadi nerimwe zuva vachakunzwa. Mhamha vachakuda rimwe zuva zvekare”, Katarina akataura zvinyoro-nyoro nezwi riri pasi.
Zein akatanga kunamata zvekare achichema kudaro mangwanani iwayo. Pakaita mota yakaridza bhero kugedhi, Katarina akamhanyira ikoko.
‘Angava ani iyeye?’ Zein akazvibvunza.
End Of Chitsauko 6. Read the next episode, Chitsauko 7 here now.
Full version is available, not for sale.
Kindly Follow my Facebook page for more stories and real-time updates.

