Misodzi: Chitsauko 5

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 5

Mushure menguva inenge maawa matatu, Zein aicheredzera mvura muzidhiramu zihombe paakanzwa bhero remotokaari yaManini Tsitsi. Pakarepo akamhanyira kuseri kwemba kunohwanda. Zein aivadongorera vakabereka Jack vachipinda mumba.

Zein akanyahwaira akanopinda mumba make ndokubva anyarara. Akanzwa Mary achibvunza Mainini Tsitsi kuti rwendo rwekuchipatara rwafamba sei. Mainini Tsitsi havana kupindura.

“Kari kupi kagudo kemukomana kaya?” Mainini Tsitsi vakabvunza nezwi riri pamusoro.

“Ndapedzisira kumuona achicheredzera mvura panze. Ndinovimba kuti aripo panze”, Mary akapindura.

Zein aive mukamuri make achinzwa nhaurirano yavo.

“Ndidanire kakudo kemukomana ikako kauye pano. Aita kuti ndishandise mari yakawandisa kuchipatara. Manje nhasi ndichamuonesa mhiripiri kuti asazviedza zvekare”, Mainini Tsitsi vakataura nehasha.

Mary akamhanyira paruvanze kunotsvaga Zein asi akamushayiwa, achibva adzoka.

“Mhamha, Zein handisi kumuona panze”, Mary aitaura achifemereka.

Panguva iyoyo, Zein akamboda kubuda kuti aende ku-sitting room, asi paakafunga kuti anorohwa akabva arega. Akasvetukira pamubhedha akapfinyirira mumagumbezi akazvifukidza nemusoro.

“Uri kurevei kana uchiti hauna kumuona?” Mainini Tsitsi vakabvunza.

“Ndatsvaga pose nekuseri kwemba asi handina kuona kunyangwe mumvuri wake paruvanze”, Mary akapindura.

“Heya! Katarina ari kupi?”

Panguva iyoyo Katarina akapinda mu-sitting room.

“Nhai Katarina, kabenzi kemukomana kaya wambokaonawo here?” Mainini Tsitsi vakabvunza.

“Aa-a mhamha, mukomana uya ane makore mana chete. Musadaro, achiri mwana veduwee. Munofanira kumubata zvakanaka semumwe yemhuri ino”, Katarina akapindura amai vake asina mufaro.

“Kutaura rudzii kuna amai vako ikoko iwe Katarina?” Mainini Tsitsi vakamuvhumbura vakamuputitsa nemambama maviri kumeso akarira kunge mheni.

Maririro embama akawedzera kutya kwaZein. Akatanga kumanata kunaNyadenga achichema misodzi.

“Ukangondikwidzira izwi futi, handingorovi Satani ari mauri chete asi kuti ndichauraya Satani ari mauri. Nyangarika pamberi pangu ndisati ndakugadzika imwe mbama”, Mainini Tsitsi vakatutuma.

Gogo, makauya neni kuti nditambure mumaoko emudzimai asina hanya neupenyu hwangu? Ambuya sei makaita chinhu ichi kwandiri?’ Zein aifunganya.

Zein ari pakati pekufunga uku achichema, akanzwa Mainini Tsitsi vachituma Katarina kuti amutarise mukamuri yake. Katarina akapinda mukamuri yaZein akawana Zein achichema.

Get my latest book on Amazon now!!

"Dripping Letters: Ink-Stained Letters" poetry book cover

“Uri kuchema chii?” Katarina akabvunza.

“Handisi kuchema”, Zein akapindura.

“Misodzi pamatama ndeyei? Uri kuchema. Chii chaizvo chauri kuchema?” Katarina akaramba achibvunza.

Zein akasimudza chiso chake achitarira kuna Katarina akamupukuta misodzi. “Taura neni Zein. Unozviziva kuti ndini sisi vako uye ndinoita chero chipi chinhu kuti ndikubatsire nepandinogona napo”.

Zein akatarisa Katarina kuti ndee mumaziso chaimo apo misodzi ichiyerera mumaziso ndokubva akanda zibvumo remubvunzo, “sei amai vako vachindivenga zvakadai? Inyaya yekuti handizive vabereki vangu vakandibereka here?”

Mubvunzo uyu wakamubata moyo. Katarina akatadza kuupindura akaramba anyerere. Katarina akamumbundira, misodzi yaZein ichiyerera nepachirebvu chaKatarina.

“Wamuwana here?” Izwi raMainini Tsitsi rakadanidzira kubva ku-sitting room.

“Mhamha vari kuda kukuona. Vanga vachikutsvaga kwose. Enda unopindura zvavanoda kukubvunza. Kunyangwe zvoita sei, usatye chinhu sezvo Ishe vasingakukanganwi”, Katarina akadaro achiedza kuvhara misodzi yake.

Zein akabuda mukamuri make akasiya Katarina arimo. Aifamba zvishoma nezvishoma kuenda ku-sitting room kuna Mainini Tsitsi.

Pavakamuona vakaganduka, “saka wanga uripo nguva yese iyi ndichitsvaga? Mukomana iwe uri mudzimu chete. Ndiko saka vabereki vako vasina kuenda newe”.

Zein akarwadziwa nemashoko aya semwana. Akasvimha misodzi apo makumbo achidedera pamberi pavo.

“Handina kana kukuguma asi wave kutobuditsa twumisodzi twenhema, he-e? Handisi kukubata nekuti hasha dziri mandiri izvozvi nekunditambisira mari yangu kuchipatara kwawaitaka, ha-a, haungararami zvekuzokurukura. Saka nekunditambisira mari yangu, uchatsanya mumba muno kwemazuva manomwe. Hapana chikafu chako kusvikira ndakuregerera.” Vapedza kutaura vakaridza tsamwa, vakabuda kuenda kukicheni.

Mainini Tsitsi vakapakurira vana vavo asi havana kupakurira Zein. Moyo wake wakarwadza achiona Jack achigwabvura chidya chehuku.

END OF CHITSAUKO 5. Read the next episode, Chitsauko 6 here.

Get your Misodzi ebook here now.

Follow my Facebook page for more stories and real-time updates. Thank you.

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!