Misodzi Novel

Misodzi: Chitsauko 13

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 13 Zein akatevera murume uya aiva akapfeka hembe isina maoko panze. Akaona Amainini Tsitsi naKatarina vakamira panze pedyo nemusiwo wechipatara. Amainini vakadzvokora Zein neziso rehumhondi. “Amai, takumirirai kuti muuye kuzotora mwanakomana wenyu asi hamuna kuuya”, Sister Itai vakataura nezwi rakapfava.“Kabenzi aka kamuri kuti mwanakomana wangu haasi mwana wangu asi […]

Misodzi: Chitsauko 13 Read More »

Misodzi: Chitsauko 12

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 12 Pese painge pakazara vanhu vakamira pagedhi rechipatara. Doctor vaitaura nemumwe wevakoti. Sister Itai vakamhanyira muchipatara vachinetseka kuti chii chii chii chiri kuitika. Zein aimhanyawo achitevera mumashure zvichimunetsa kuti sei pachipatara pakazara vanhu kudaro. “Mandidana”, Sister Itai vakabvunza Doctor vachifemereka.“Hongu, ndakudana. Paita emergency inoda imimi kuti muvepo. Ko, Sister,

Misodzi: Chitsauko 12 Read More »

Misodzi: Chitsauko 11

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 11 Sister Itai pavaityaira motokari, hana yaZein yairova zvikuru uye makumbo achidedera nekutya. Aidemba kuti dai Sister Itai vangoenda kunomusiya kumusha kuna Ambuya. “Sei wakasuwa, haudi kuenda kumba here?” Sister Itai vakabvunza Zein.Zein akavatarisa, misodzi ikatanga kubvinza.“Ndakuudza kuti usacheme. Ona ka, baba vako havana kufa zvachose. Pandaive mudiki, ndakarasikirwa

Misodzi: Chitsauko 11 Read More »

Misodzi: Chitsauko 10

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 10 Amainini Tsitsi vakatanga kuzvongonyoka pasi vachichema nekudanidzira. Mary aiva mukona achingopoukuta misodzi isingaperi. Ukuwo Jack aizhamba kunge amai vake. Katarina aive akatarisa amai vake asingachemi kana kudonhedza musodzi. Muviri waZein wainge warenguka. Hana ichirova zvisina mukare akamboona. Maziso ake aiva ati piriviri kutsvuka. Ainge asingachemi, asi ndangariro dzake

Misodzi: Chitsauko 10 Read More »

Misodzi: Chitsauko 9

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 9 Amaini Tsitsi vakadzungaira vakashaya zvekuita. Vakadikitira, vachichema uye izwi ravo radambuka. “Ko ndaiteiko nhai Mwari? Chii chandaita ipapa. Zein aindiuraya chokwadi. Ndapera”.“Mhamha iyi haisi nguva yekupomera mumwe munhu mhosva yamaita imi mbune. Ngatimhanyei kuchipatara naDaddy vasati vapera ropa”, Mari akataura zvineushingi huso hwake hwakati mokoto misodzi.“Sifiso simuka, ndapota.

Misodzi: Chitsauko 9 Read More »

Misodzi: Chitsauko 8

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 8 Amainini Tsitsi vaive nehutsinye hunotyisa kuna Zein zvekuti paaivatarisa ainzwa kutya. Nguva zhinji Zein aigara achizvibvunza kuti, ‘Chii chandikaita kuti ndivengwe nemudzimai uyu? Sei vachindibata zvakashata kudai?’ Mibvunzo iyi yaigara iri mumusoro make. Zein achienda kukamuri kwake achichema, achirwadziwa uye kusuwa murume waMainini Tsitsi akamuona. Akadambura runhare nekukurumbidza.“Zein,

Misodzi: Chitsauko 8 Read More »

Misodzi: Chitsauko 7

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 7 Mhepo yaivhuvhuta kunze kwakakwidibira, kuchitonhora. Zein aive akanyorova mbatya dzose achigwagwadza uye achingochema. Aisachema zvekuridza mhere, chaioneka misodzi nemaziso kutsvuka nekuzvimba chete. ‘Ndiwo magumo angu here aya?’ Zein aifunga. Katarina akavhura gedhi kuti harada, Toyota Prado nhema ikapinda ichiridza bhero kuratidza mufaro wemutairi wayo. Katarina akavhara gedhi achisekerera

Misodzi: Chitsauko 7 Read More »

Misodzi: Chitsauko 6

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 6 Semwana, Zein akaenda kukamuri yake akatsamwa achichema achidemba kuti dai asina kumbobvira auya kuzogara namainini Tsitsi.Husiku uhwu, akarara nemisodzi pamatama akamuka mwangwana acho nemisodzi pamatama. ‘Rudo rwuri kure neni… ndichazowanawo rudo here pasi pano? Kubva kuna ani chaizvo?’’ Zein akarangarira mashoko aakaudzwa naambuya vake vachiri kumusha. Vakati, “Mwari

Misodzi: Chitsauko 6 Read More »

Misodzi: Chitsauko 5

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 5 Mushure menguva inenge maawa matatu, Zein aicheredzera mvura muzidhiramu zihombe paakanzwa bhero remotokaari yaManini Tsitsi. Pakarepo akamhanyira kuseri kwemba kunohwanda. Zein aivadongorera vakabereka Jack vachipinda mumba. Zein akanyahwaira akanopinda mumba make ndokubva anyarara. Akanzwa Mary achibvunza Mainini Tsitsi kuti rwendo rwekuchipatara rwafamba sei. Mainini Tsitsi havana kupindura. “Kari

Misodzi: Chitsauko 5 Read More »

Misodzi: Chitsauko 4

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 4 Mary, sisi vavo vakuru akatora dhishi akatanga kugeza tsoka yaJack. Zein haana kunzwisisa kuti Jack atsika sei girazi rakatsemuka iye atsvaira mukicheni mose akakanda tsvina yose nemagirazi ose mubhini. ”Wachekwa sei negirazi rakatsemuka, Jack?” Katarina akabvunza achishamisika. Jack aichema saka haana kukwanisa kupindura. “Zein, mhamha havana kukuti utsvaire

Misodzi: Chitsauko 4 Read More »

error: Content is protected!