Misodzi: Chitsauko 9

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 9

Amaini Tsitsi vakadzungaira vakashaya zvekuita. Vakadikitira, vachichema uye izwi ravo radambuka. “Ko ndaiteiko nhai Mwari? Chii chandaita ipapa. Zein aindiuraya chokwadi. Ndapera”.
“Mhamha iyi haisi nguva yekupomera mumwe munhu mhosva yamaita imi mbune. Ngatimhanyei kuchipatara naDaddy vasati vapera ropa”, Mari akataura zvineushingi huso hwake hwakati mokoto misodzi.
“Sifiso simuka, ndapota. Ndiregerewo, ndanga ndisingadi kudaro”, Amainini Tsitsi vakaramba vachichema.

Zein akashamiksika kunzwa zita ramurume waMainini Tsitsi kekutanga kubva vauya. Ainge asingazivi kuti zita remurume waMainini Tsitsi ndiSifiso.
Zita iri rakamufungisa zita rababa vake. Akarangarira kuti pamwedzi mishoma yapfuura achiri kumusha, Sekuru vaiudza Baba Joseph kuti, “… ehe ka, Zein akapihwa zita rababa vake. Baba vake vanonzi Sifiso Zein Jonasi. Vanogara mudhorobha nemudzimai wavo naamai vake”.
Manheru iwayo, Sekuru vainwa waini naBaba Joseph vachikurukura nekuseka zvavo.

Zein akanyatsotondera Baba Joseph vachibvunza Sekuru kuti, “kana vabereki vaZein vachigara kudhorobha, vari vapenyu, sei vachimusiya kuti ugare nemi kuno kumapfanya?”

Mubvunzo uyu wakafarirwa naZein zvikuru zvekuti akambomira kuita zvaaiita, akanyahwaira kuenda pedyo negonhi kuti anzwe mhinduro yaSekuru. Zvisinei, mhinduro yavo haina kuita musoro kunaZein. Vakati, “ ziva zvekunwa waini iwe, mubvunzo wko unorema. Ngatizoisimudzira neumwe musi.”

Nguva dzakasvika ambulance, Zein aive ari kure mundangariro dzake.

“Sisi Mary, Daddy vachapora here?” Jack akabvunza achichema.
Mary akatarisa Jack mumaziso kwekanguva asati apindura. “Handisi kunyatsoziva”, akapindura achitadza kudzora misodzi yake.

Zein anga akamira pagedhi apo Amainini Tsitsi vakabvunza mumwe wevakoti kuti murume wavo achaita zvakanaka here.
Mukoti uya akati, “tichaedza nepese patinogona napo nekuti murume wenyu haasi kufema zvachose”.
“Afa here?” Amainini Tsitsi vakabvunza vachiburitsa misodzi.
“Kwete, haana kufa. Asi chii chaitika kumurume wenyu, ari kubuda ropa zvakaipisisa”, mukoti akabvunza achida kunzwisisa.
“Tsaona… itsaona. Ndanga ndichida kubuditsa mota panze ndipo pandamudhuma akadonha pasi”, vakapindura Mainini Tsitsi.
“Ho-o, inga zvakaoma. Regai ndimhanyire kuchipatara amai”, mukoti akapindura.
“Ndiri kuenda nemi. Ndapota ndimirei ndipfeke zvinodziya”, Amainini Tsitsi vakadaro vachimhanyira mumba.
Pasina nguva vakadzoka vakaenda nemakoti kuchipatara vachityaira motokari yemurume wavo. Vakaenda namukoti uya mumotokari mavo.

Zein akapindwa nekutya, akatanga kunamata chinyararire.
‘Ishe Mwari Baba, ndakakumbirai mununuri mukandipa Babamunini Sifiso. Pandaive nenzara, makandipa zvekudya. Pandaive nenyota, makandipa mvura yekunwa. Ndaivengwa ndichishungurudzwa, mukandipa rudo. Naizvozvo Ishe, musarega vachifa. Ndakumbira nezita raIshe Jesu’.

Zuva rose Amainini Tsitsi havana kudzoka kumba. Pamba pakaswera pane runyararo rwairema. Katarina, Mary naJack vainge vakagara pasina ari kutaura nemuwe. Zein aive akagara pasi anyerere. Kunyangwe TV yaive yakadzima, hapana akafunga zvekuibatidza.

Pavana vose, Zein ndiye aiva mudiki pane vese. “Pane ambofonera mhamha here”, akabvunza.
“Runhare rwavo harusi kupinda”, Mary akapindura nezwi risina simba. “Tirikunetseka ipapa. Ndinovimba kuti baba vari right”. Akabva akwiridzira dzihwa semunhu aichema.

Zein akatura befu akataura nezwi rine simba, “Baba vari right. Ndataura naMwari vakanditi hapana chinoitika kuna baba”.
“Ndinovimba kuti vanoita zvakanaka nekuti handidi kurarama ndisina baba vangu”, Mary akataura achitarisa pamufanaidzo wababa vake wakaturikwa pamadziro.
“Kana uchida kuti baba vako vaite zvakanaka, isa nhunha dzako kunaMwari. Ndivo chete vanokuitira zvaunoda”, Zein akataura ane chokwadi.
“Sei uchitenda zvakadaro kuna Mwari uyu? Pandikambouya kukamuri yako waive wakapfugama uchinamata uchichema. Chii chinombovhairisa panaMwari uyu?” Katarina akabvunza akanongedza picture frame ine mufananidzo waJesu Kiristu.
“Ehe, tinoda kuziva”, Mary akatsinhira.
“Neniwo ndinoda kuziva”, Jack akapindirawo pakati.

Zein akakosorera achigadzirisa pahuro ndokubva avatarisa kemuso asati apindura.
“Chokwadi ndechekuiti, handinyatsozivi kuti chakanyokosha panaMwari uyu chii, asi ndinovimba kuti ukatura nhamo dzako kwavari, vanokupindura. Ambuya vangu vaiwanzondiudza kuti pese pandinenge ndaita dambudziko ndinonofanira kudana Mwari zvinove ndizvo zvandaingoita kubva ipapo. Ndakakumbira mubatsiri kuna Mwari vakandipa. Uyai tinamatire baba, vanoita zvakanaka ndiri kutokuudzai”.
Kunyangwe hazvo aiva mwana mudiki, Zein akakwanisa kukurudzira vose kuti vanamate. Vakanamata pamwe chete, kanove kekutanga kunamata pamwe chete semhuri mumba umu.

Pakaita mazuva maviri Amainini Tsitsi vasina kudzoka. Nhare yavo yaisapinda kuti vana vazive zviri kuitika kuchipatara. Saka Mary akafunga zvekuti vaende kuchipatara. Vakagadzirira vose, akaenda kuchipatara vachitungamirirwa naMary.

“Pamusoroi, pane murume akaunzwa pano mazuva maviri apfuura akakuvara musoro. Tingamuwana kupi?” Mary akabvuza mumwe wevakoti.
“Ndine urombo, handizivi zvemurume akakuvara musoro”, mukoti uya kapindura.
“Asi akauya pano kuswera nezuro”, Katarina akataura akatarisa mukoti uya.
“Sorry, ndine zvakawanda zvekuita. Ndati handimuzive”, mukoti uya akataura atofuratira, akakwira manera akaenda upstairs.
“Une chokwadi kuti ndicho chipatara chavakauya here ichi, Mary?” Jack akabvunza.

Pamguva iyoyo, Zein akaona mukoti aitaura naAmainini Tsitsi kumba. “Uyo ndiye nurse akauya kumba kwedu”, akataura achisekerera.
Vakamhanyira kwaari. Mary akabvunza kuti angaona amai vake here. Nurse uya akaenda navo upstairs.

Vakawana Amainini Tsitsi vachinga akaiswa ventialtor pamhino.

Doctor vakapinda panguva iyoyo vakati vanhu vose vabude panze. Mukamuri iyi maive nerunyararo. Mushure memaminitsi akati o-o, doctor vakabuda vachizunguza musoro.
“Ndine urombo amai, tarasikirwa. Taedza zvose asi zvaramba, ashaya”, doctor vaitaura nezwi nyoro.

“Zein, Mwari vako havasi vechokwadi. Wati Daddy vanoita zvakanaka kana tikanamata kuna Mwari asi doctor vati vashaya”, Katarina aitaura achisvimha misodzi.

MAGUMO ECHITSAUKO 9. Read the next episode, Chitsauko 10 here now.

Get your Misodzi PDF here now!

Join the group Trending Zimbabwe Novels/Mabhuku now.

Please like my page Kelvin Jasi Stories to get updates in time. ????

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!