Misodzi: Chitsauko 20

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 20

Zein akatanga kufunga kuti, ‘Zvokwadi Mwari havana kundipa maziso ekuonesa asi maziso ekuchemesa. Nekuti nguva zhinji dzeupenyu hwangu ndinomashandisa kusvimha misodzi’.

Mr Smith vachiona Zein achichema kudaro, vakatura befu ndokutarisa Sister Itai vakati, “mudzimai iwe, wati ndiwe ani uye mukomana uyu wabva naye kupi? Handidi dambudziko mumba mangu mune runyararo”.
“Daddy, handisi dambudziko. Onai kuti mune nzeve sedzangu nemaziso angu e-brown, ndimi baba vangu”, Zein akataura achichema.
“Vhara muromo wako wakasviba iwe. Handikuzivi uye usandidane kuti daddy, handisi baba vako”, Mr Smith vakataura nehasha vatsamwa.

Zein akawedzera kubuditsa misodzi ndokubva adzokera panaSister Itai. “Chii chandikatadza pasi rino?” Akabvunza, “sei munhu wese achindiramba? Zvanditorera makore gumi nemana kuti ndione murume agere apa, kana asiri iye baba vangu, saka ndiani baba vangu Sister Itai ndiudzei. Handichisina chekuraramira”, Zein akaridza mhere akazembera bendekete raSister Itai.

Sister Itai vakashaya neremuromo vese naMr Smith wavaiti ndivo baba vake.
“Chirega kuramba uchichema. Dzokera kuaMainini Tsitsi wovakumbira rugerero kuti wakabva pmba usina kuvazivisa, vanogona kukugamuchira”, Sister Itai vakataura misodzi yavi yafushirika nemisodzi.
“Handidzokeri kunaMainini Tsitsi, vanondiuraya. Chandiri kuda kuwana vabereki vangu chete, ndicho chinhu chinoita kuti ndifare panyika pano”, Zein akapindura achigwinha-gwinha nekuchema.
“Kana usingadi kudzokera kuMainini Tsitsi saka unoda kuenda kupi?”
“Sister Itai, ndiendesei kumusha. Ndinoda kurarama nevanhu vaindibata zvakanaka kubva ndichiri mucheche. Ndiendesei kuna Sekuru naambuya vangu”.

Sister Itai vakambonyarara kwenguva vakatarisa Zein mumaziso.
“Zein, kutyaira motokari kuenda kumusha kwenyu nderimwe basa guru”.
“Vabereki vevabereki vako vanonzi ani mazita avo?” Mr Smith vakabvunza.

Zein ave kuda kuti achivapindura, Amai Smith vakabva vapinda vachikakanganisa hurukuro yavo. “Mudiwa, uchiri kutaura navo, hausi kuenda kubasa here nhasi?”
“Handisi kunyatsonzwa zvakanaka. Ndinogona kuenda kana ndanyatsosimba. Ko ibhegi raani raukabata?” Mr Smith vakabvunza.

Zein akatendeuka kutarisa mudzimai akatsvinda aive akamire shure kwake. ‘Kana Mr Smith vari baba vangu, kureva kuti ndivo amai vangu’. Aifunga akatarisa mumaziso mavo.

“Pane mudzimai andikumbira kuti ndikupe. Atyaira motokari akaenda”.
Zein achitarisa bhegi riya akaona kuti ibhegi rake rehembe. Akazvibvunza kuti, ‘Vasvika sei pano?’

“Imbatya dzangu”, Zein akataura achivhundukira.
Mrs Smith vakakatyamadzwa nazvo pamwe naMr Smith naSister Itai. Zein akashamaiswawo nazvo.

“Mudiwa, ndingataure newe here kweminiti imwe chete”, Mrs Smith vakadana murume wavo vakaenda ku-upstairs vachiti mwini-mwini.

“Mudzimai auya nembatya dzako pano anofanira kuve Amainini Tsitsi”, Sister Itai vakazevezera.

Panguva iyoyo, Mr naMrs Smith vakadzoka ku-downstairs. Mrs Smith vainge vakafuta nekutsamwa zvaioneka nemumaziso avo aive atsvuka kuti piriviri.

“Asikana, handina nguva nenhau dzakawanda. Panguva dzandaona mwanakomana wenyu ndazviziva kuti pane nhau iripo. Mudzimai wangu anditaurira zvese saka taurai tinzwe, handidi kupedzerwa nguva”, Mrs Smith vakataura nehasha kunaSister Itai.
“Pamusoroi amai, handina kuuya pano kuzoputsa imba yenyu. Mukomana uyu ari padivi pangu mwana wenyu”, Sister itai vakataura.
Mrs Smith vakaseka.
“Mudiwa pora”, Mr Smith vakapindira. “Mukomana, ndanzwa uchiti una sekuru. Sekuru vako ndiani? Vanonzi ani zita ravo?”
“Pesanai Maturi, ndiko kudaidzwa kwavanoitwa. Handizivi zita raambuya vangu nekuti kumusha uku vandanidzwa kuti ‘Ambuya’ nemunhu wese. Vaviri ava vanoreva zvizhinji muupenyu hwangu. Ndine picture yavo mubhegi raiswa namhamha patafura apo”, Zein akanongedza bhegi rauya naMrs Smith.
“Wauri kuti mhamha ndiani? Handisi amai vako ini. Mr Smith handisi kunzwisisa zvese izvi. Chii chiri kuitika?”, Mrs Smith vakashevedza murume wavo vachivhiringika.
“Mutambidze bhegi racho tione picture yacho”, Mr Smith vakaudza mudzimai wavo.

Vakakanda bhedgi padivi paZein. Zein akarivhura akabuditsa picture yasekuru, akaitambidza Mrs Smith.

“OH MY GOD! Smith! Handizvibvume izvi, zvavari baba vako”, Mrs Smith vakavhunduka nekushamisika.
Mr Smith vakamhanya kuzotarisawo pikicha. Vakavhura maziso nekushamisika.

“Ndiwe Zein here?” Mr Smith vakabvunza.
“Hongu ndini Zein”, akapindura ane mufaro wese.
“Mudzimai wauri kuona pano uyu”, Mr Smith vakanongedza Mrs Smith, “havasi ivo amai vako. Amai vako vakaroorwa nemumwe murume muno muHarare. Ndine urombo kukutaurira chinhu ichi, ini handisi baba vako veropa”.

Zein akanzwa kunge abaiwa nebanga pakati pemoyo panguva iyoyo. Akarereka musoro akasvimha misodzi.

Follow my page Kelvin Jasi Stories and Join Trending Zimbabwe Novels/Mabhuku group.

MAGUMO ECHITSAUKO 20. Read the next episode, Chitsauko 21 here now.

Get your copy of Misodzi ebook here.

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!