Misodzi: Chitsauko 2

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

Chitsauko 2

Mainini Tsitsi vakanopinda mukicheni vachimhanya vakawana Zein achiunganidza magirazi apwanyika pasi.

“Jesu!” Vakakatyamara MaininI Tsitsi vachibva vawatsura Zein nembama kumeso. Mwana akadonhera pamusoro pamagirazi neuso, paaimuka akabva amatsika zve magirazi aya.

Kutya kukuru kwakamubata, mufaro wese hwekuva pamba paMainini Tsitsi hukapera pakarepo. Makumbo ake akange obvunda seapindwa nechando. Ropa raiyerera kumeso zvose nepasi petsoka.

“Uri mwana werudzii anorozva kudai iwe? Apa wandipwanyira kapu yangu yegirazi inodhura nekusakendenga kwako. Unoziva here kuti kapu iyi inoita marii?” Mainini Tsitsi vakazhamba.

“Ndinokumbirawo ruregerero Mainini Tsitsi”, Zein akapindura mukuchema, misodzi ichiyerera.

“Zviregerere wega. Ukazviedza futi ndichakuvharira mujeri remapurisa”, vakapopota nehasha ndokubva vadzokera kuimba yekutandarira.

Zein akatarisa ropa raibvinza pasi petsoka dzake, raimhanya zvaityisa.

Ndiudze Mainini Tsitsi here?’ Akafunga apo achirwadziwa.

Ropa richibuda kudaro, akafunga musi waakatsika chipikiri ari kuchikoro kumusha. Paakaudza ambuya vake vakafashaidza mvura vakamutova. Mabatirwo aiitwa Zein naambuya vake zvaiita kuti afunge kuti ndivo amai vake chaivo nekuda kwerudo nehanya dzavo kwaari.

Akakoka zvivindi akaenda kuna amainini Tsitsi kuti avaratidze kukuvara kwaaita pasi petsoka.

“Mainini Tsitsi, ndinokumbirawo kuti mundibatsire kumisa ropa ririkubuda pasi petsoka dzangu, rakawandisa zvinotyisa ndinoda rubatsiro”, Zein akataura azere nekutya.

Mainini Tsitsi vaive bishi kugadzira nzara dzavo. Vakamira vakamutarisa zvakamupa kutya asi havana kutaura chinhu. Paakatendeuka kuti aende, Mainini Tsitsi vakamudana kuti adzoke.

“Mukoma iwe uri dununu chairo. Unofunga kuti ndiri amai kana muranda wako here? Huya pano!” Vakadaro nezwi guru.

Zein akaenda pavari vakamugadzika mbama inopisa padama. Akaona nyenyedzi dzaasima kuziva kuti dzabva kupi.

“Udza amai vako kugehena izvozvo kwete ini”, Mainini Tsitsi vakabva varidza mutsinyo.

Nekukurumbidza, Zein akafamba akanyarara kunva pavari apo misodzi ichiwedzera kuyerera pamatama. Akachema kunge mwana afirwa. Akachema nekurwadziwa uye akazvidemba. Hapana chaaikwanisa kuita semwana mudiki.

Zein akatanga kufunga zvaaiudzwa naambuya vake kuti Mainini Tsitsi vachave munhu akanaka kwazvo kwaari. ‘Saka seiko vachindibata senhapwa? Kana vari munin’ina waamai vangu, sei vachindidaro?’ Zein aingofunganya.

Musi uyu Zein akarara asina kudya. Ndiwo wakabe musi wekutanga kuti azive nzara. Paaive kumusha, ambuya vaiona kuti Zein adya kunyangwe pasina chekubata.

Mangwanani aitevera, Zein akakurumbidza nekuda kwenzara yairuma uye kutya kushusha kwaMainini Tsitsi. Paainge akamira pagonhi rekamuri yaanorara, Mainini Tsitsi vakaenda kwaari vakati, “sei wakamira ipapo pasina zvauri kuita? Hauna hembe dzinoda kuwachwa here?” Vakabvunza nehasha.

Zein haana kupindura chinhu. Paainge oda kuenda kunotora hembe dzekuwacha, Mainini Tsitsi vakabva vamuti asuke motokari yavo.

Maoko angu haasvikiri pamusoro pemota saka vanotarisira sei kuti kuti ndisuke mota hombe zvakadaro?’ Izvi aingofunga paakarangarira zvaakaudzwa nasekuru vake apo ati anoda kuvasukira motokari yavo. Vakati, “Zein uchiri mudiki, haungakwanisi kusuka mota pazera rako. Uchazosuka zvako kana wave nemakore gumi, apa une mana chete. Uchiri mwanana”.

Zeina achiri pakati pekufunga kudaro, Mainini Tsitsi vakauya vakamuona akamira pamota nemugomo wemumvura nezvisikiso.

“Wakamirireiko nhai iwe ipapo? Ita zvekusuka mota kwete kungomira kunge sengu”, vakamuvhumbura mainini Tsitsi.

Mwana akavhunduka akasuka mota zvaanokwanisa.

* * *

Zein akagara mumba make achikuvara nekunhuhwirira kwechikafu kwaibva kukicheni. Aive ajaira kubatsira ambuya kubika kumusha pese pavanenge vachida kugadzira chimwe chinhu. Aive akagara akavhura ziso achifunga zvaaive akaudzwa naambuya vake kuti anofanira kuve pedyo pese pavanenge vachibika kuti adzidzewo. Aivabatsira kudzvura derere uye kusukurudza mandiro. Saka aive ajaira kuve panenge pachiitwa mabasa ose.

Panguva iyoyo, Zein akakwakuka akaenda kuckicheni kuti abatsire amainini vake.

“Manini Tsitsi, munoda kubatsirwa here pane zvamuri kuita?” Zein akabvunza semabvunziro aaiita ambuya vake.

Mainini Tsitsi vakamudzvokora neziso risina ushamwari ndokubva vati, “kana uchifunga kudya zviri mupoto iyi ibva wakanganwa zvako, ndezvevana vangu vari kuuya nhasi kuzororo. Iwewe ndakubikira sadza rauchadya neshuga. Enda unotora patafura ku-sitting room, rakatokumiririra izvozvi”. Vakaenderera mberi nekubika, Zein achienda kukamuri yake akasuwa kwazvo.

Mainini Tsitsi vapedza kubika, vakageza, vakachinja hembe vakabuda nemotokari vachienda kunotara vana vavo.

Zein akapinda mukicheni akavhura zvikafu zvainge zvabikwa namainini Tsitsi. Nyama yaive yakazara mapoto, yakatsvukirira zvainwisa mvura. Zvimwe zvikafu Zein haana kuzviziva kuti zvii kana kuti zvinodyiwa sei, zvaiva zvitsva mumeso ake. Nzara yaimuruma ipapo, akazvufirira kuti achachure nhango imwe chete yenyama.

Moyo waive wakarembera uye mweya wakaneta. Zein aibva kumhuri yeChikirisitu saka aive asingakwanisi kutora zvaasina kupiwa.

Zein akavhara poto and akenda ku-sitting room achinwa shuga yakanyungudutswa mumvura. Panguva iyoyo akafunga zvaakaudzwa naAmbuya vake, “Manini Tsitsi vakapfuma… vachachakuchengeta zvakanaka… hauchadyi sadza neshuga zvekare kana wabva kuchikoro… uchadya, wodya wozdya kusvikira waneta”.

Misodzi yaZein yakabvinza panguva iyoyo, “Mhamha, Baba.. chero kwamuri ikoko, ndapota uyai mutore mwanakomana wenyu”, akatuara achidanidzira.

Mainini Tsitsi vakasvika nemotokari Zein ari pakati pekudya sadza neshuga. Vaiva nevana vavo vatatu, vasikana vaviri nemukomana mumwe mumwechete. Zein ainge asati ambovaona kunyangwe zvazvo akambonzwa nezvavo.

Mary akashamisika kuona mwana waasingazivi achidya sadza neshuga. “Mhamha asi makatsvaga house boy mutsva here?” Akabvunza achiratidza kushamisika.

Zein haana kunzwa kuti mainini Tsitsi vakapindura vachiti chii sezvo vainge vatosvika kubhedhurumu kwavo. Vana vapedza kugeza vakenda ku-dining room vakapakurirwa mupunga nenyama yehuku yakakangwa.

“Uya tidye”, mwanakomana wamainini Tsitsi akadanira Zein chikafu.

“Vhara muromo wako Jack”, Mainini Tsitsi vakamuvhumbura ndokubva vaenda kukamuri yavanorara.

Jack akatora nyama akavigira Zein mu-sitting room kuti adyewo.

“O-o nyama iyi, chidya chehuku. Ndinoziva kuti unoida”, Jack akadaro achimutambidza.

“Unonzi ani uye une makore mangani?” Jack akabvunza Zein. Zein ainge angoitawo manzwira paakadanwa naMainini Tsitsi kuti anonzi Jack.

“Ndinonzi Zein uye ndine makore mana. Ndichakwanisa makore mashanu kupera kwemwedzi uno”, Zein akapindura achitsenga nyama.

“Une mana chete? Ini ndine makore seven, sisi sangu Katarina vane thirteen. Mary Ndiye mukuru kwatiri tose, ane fitteen”, Jack aitaura nezwi riri pamusoro.

Zein ari pakati pekunakirwa nenyama, Mainini Tsitsi vakapinda musitting room vakamuona achidya nyama. Vakaibvuta, vakamupwatitsa nembama padama.

“Ukatorera mwana wangu nyama zvekare ndichakuvhiya uri mupenyu, kabenzi kemunhu. Enda unosuka ndiro uko”. Vakatutuma nehasha vakaridza tsamwa.

Zein akabva angomhanyira kukicheni kunosuka ndiro asati apamhiwa imwe zve mbama yegudo. Akanzwa vachisara vachitaurira Jack kuti asasvike pedyo naye futi.

Jack akateverawo kukicheni kuna Zein akamunanikidza kuti amubatsire kusika mandiro. Zein akamboramba achiti ndiye anzi asuke, saka anosuka zvake ega. Zein haana kukwanisa kuramba achimuitisa nharo nekuti aive mudiki kuna Jack, saka akamusiya akasuka ndiro sezvaaida.

Jack ari pakati pekusuka, akasunda ndiro dzegirazi dzakaturikidzana dzikadonha pasi, dzikaputsika dzose. Mainini Tsitsi vakamhanyira kukicheni kuzoona kuti chii charira kudaro. Vakaita kunge vabatwa neshavi pavakaona mandiro ari mapitsi mapitsi pasi.

Zein akatanga kuchema achikumbira ruregerero nekuti akazviziva kuti ndiye achapomerwa mhosva yekupwanya mandiro.

END OF CHITSAUKO 2. Read the next episode, Chitsauko 3 here.

Get your Misodzi PFD full version here.

Like my page Kelvin Kelvin Jasi Stories ????

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!