Misodzi: Chitsauko 18

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 18.

Zein akamira achitya uye hana yake ichirova.
‘Kusapedza basa randikapiwa naAminini Tsitsi ndiko kuirasa kwandaita’. Aizevezera akatarisa mudenga achidemba.

Asati apindura mubvunzo wavo, phone yaMainini Tsitsi yakabva yarira. Vainge vari murume wavo Sifiso, vainzwika chaizvo nekuti vaiwanza kuisa nhare yavo pa-loud speaker pese pavanotambira nhare yavo.
Vakataura parunhare naSifiso kwenguva vari mu-dining room, vakabuda panze vachingotaura parunhare.

“Ndibaba vangu ava. Hakuna baba vakaita sevangu pasi rose. Kunyangwe vari kure zvakadini, vanoridza runhare vachibvunza kuti isu vana vavo tinofara here. Kwete vamwe vanhu vasingatozivi vabereki vavo zvachose”, Jack akataura achitarisa Zein zvekubiridzira.

Nguva iyoyo, Zein akanzwa kubatwa-batwa mumoyo make. Akazviziva kuti ndiye ari kutaurwa. Akrwadziwa nemashoko aJack zvikuru. Akada kuchema asi akabata misodzi mumaziso make.

Amanini vapedza kutaura parunhare, vakadzoka vakaenderera mberi nekupakura chikafu mumandiro.

Zein akaona kusafara mumaziso avo. Katanga kufunga kuti babamunini vataura zvakaipa kwavari. ‘Ehe, babaminuni Sifiso vanofanira kunge vatsamwisa Mainini Tsitsi’.

“Mhamha, pane chiri kunetsa here?” Mary akabvunza.
“Ehe mhamha, musati madavira runhare manga muchifara-fara, asi iye zvino machinja”, Katarina akatsigira sisi vake Mary.

Maini Tsitsi vakatarisa vanasikana vavo mumaziso ndokubva vatura befu.
“Ndiri kufara inga wani. Ndanzwa izwi rechikadzi pandanga ndichitaura nababa venyu. Zvisinei, ndinovimba kuti kubasa”, Mainini Tsitsi vakapindura vachimanikidzira kunyemwerera.

“Mhamha, ndinofunga kuti nezuro makati Zein asakure kuseri kwemba”, Jack akabvunza kuri kurangaridza amai vake nyaya yavanga vasati vapedza kubvunza vasati vadavira runhare.
Zein akatarisa Jack achivhunduka nekuti aive asina kupedza kusakura sezvaakaudzwa.

“Hongu, ndakamutuma”, Mainini Tsitsi vakapindura.
“Ndinofunga kuti ndiyo nguva chaiyo iyi kuti munotarisa basa raakaita. Akasiira panzira, pamwe anoda kuti imi mupedzise kuhara”, Jack akataura achibereka bhegi kumusana.
“Kana asina kupedzabasa, zvinoreva kuti haasi kuzoripedzisa. Apa tanonoka kuchikoro”, Mary akawedzera.

Mainini Tsitsi vakamira vakatarisa Zein mumaziso. Chiso chavo chaive chakajeka semwedzi, vakachinja pakarepo vachipfeka huso hwakatsamwa. Zein akapindwa nekutya.

“Mary, mese endai kuchikoro, asi fuza iri rinofunga kuti rinondiuraya nguva yangu isati yakwana richasara pamba ropedzisa basa raro. Dai ndaziva kuti haana kupedza basa randikamutuma dai ndisina kumupa chikafu”, Amainini Tsitsi vakataura nehasha.
“Asi mhamha, anozopedzisa basa racho kana adzoka kubva kuchikoro”, Katarina akapindura.
“Enda kuchikoro iwe usapikisane naamai vako”, Amainini vakavhumbura Katarina.
“Asi mhamha….”
“Usanditi asi, Katarina. Ndiri amai vako ini. Unofanira kuteerera zvinhu zvese zvandinokuudza”.

Katarina akatora bhegi rake akabuda zvine hasha, Jack naMary vachiteverawo.

Amainini Tsitsi vakadhonza Zein vachimuendesa kuseri kwemba vakamubata nzeve. Vakamurova ngonyo mumusoro.
“Uri kuomesera ini nemhuri yangu. Handipi vabereki mhosva nekukusiya nasekuru naambuya vako. Uri muroyi chaiye, baba vako vakagona”, vachipedza kutaura vakamurova mbama kumeso.

Zein akabata paakarohwa kumeso akachema.
“Uri kuchema? Oh, my God”, Mainini Tsits vakaseka.
“Musi waukaberekwa ndiwo musi wakadzingwa baba vako basa. Ndiwo zve musi wavakaita tsaona nemotokari vauya kuzokutora iwe naamai vako vasina musoro kuchipatara. Uri muroyi Zein”, Amainini Tsitsi vakataura nehasha ndokubva vaenda.

Zein akavhara maziso nekurwadziwa, nemazwi avo akamutyora mabhonzo. Akatarisa mudenga akachema chinyararire misodzi ichiyerera.
Aiita basa uku achichema. Haana kumira kusakura kusvika vana vaMainini Tsitsi vadzoka kubva kuchikoro.

“Uchiri kushanda nanhasi? Kubva kuseni hausati wapedza kusakura kandima kadiki aka. Unonyadzisa Zein, hauyari chokwadi”, Jack aitaura achisvotesa, ndokubva amhanyira mumba.

Panguva iyoyo Zein akashuva kuti ane masimba seaMwari dai amuratidza. Zvino dai haabatsiri.
Akagara pasi kuti azorore pakauya Mary naKatarina kwaaisakura. Vose vari vaviri vaimunzwira ngoni, maziso avo aibuda misodzi.

“Chii chiri kunetsa, ko kuzoita semuri kuda kuchema?” Zein akabvunza.
“Ndimhamha, vari kuda kukuendesa ku-orphanage nhasi manjeru”, Katarina akapindura.
“Sei vachida kudaro? Kana vasingandidi pano vanofanira kundidzosera kuna sekuru naambuya vangu. Vanondigamuchira nemaoko akafara”, Zein akataura misodzi ichiyerera, izwi richidambuka-dambuka.
“Ino haisi nguva yekuchema, Zein unofanira kuenda”, Mary akamuyambira.
“Kuenda? Kupi? Chirudzii?” Zein akakanda munda wemibvunzo.
“Handizivi. Chero kwaunenge waenda”, Mary akapindura achizunza maoko mumhepo.
“Nhai Mwari…”, Zein akachema.
“Unokwanisa kuenda kunaSister Itai, vanokubatsira kutsvaga vabereki vako. Ndakavanzwa vachiudza mhamha nezvababa vako”, Mary akaenderea mberi.
“Uri kureva kuti Sister Itai vanoziva kuna baba vangu here?” Zein akasimuka pabadza raanga akagarira akasvetuka mudenga nemufaro.
“Hongu. O-o $2 iyi inokusvitsa kunaSister Itai. Ichenji yamhamha. Ndinoziva zvekuvaudza kana vazoibvunza”, Katarina akadaro achitambidza Zein mari.

Zein akatambira mari iya. Akambundirama naKatarina naMary. Vose vaisvimha misodzi Zein achibuda pagedhi.

Akasvika kuchipatara manheru iwayo. Sister Itai vainge vasipo. Zein akaudzwa kuti havasi pabasa asi vachapinda mangwana mangwanani. Saka Zein akarara pachipatara apa usiku uhwu.

Musi waitevera, Sister Itai vakasvika pachipatara nemota.
“Zein ndiwe, inga watova murume mukuru. Nhai Mwari, inga wakura chokwadi”, Sister Itai vakashamisika kuona Zein. “Ko uri kuitei pano?”
“Ndauya pano kuti mundiratidze kune vabereki vangu. Amainini Tsitsi vanditi ndiuye kuzoona imi”, Zein akanyepa kuti Sisteri Itai vakurumbidze kumunzwisisa vamuendese kune vabereki vake.

Sister vakatarisa Zein vachishamisika nezvaataura. Vakatura befu ndokubva vati, “Handifungi kuti Amainini Tsitsi vako vangataure izvozvo. Rega ndivafonere”. Vaitaura vachibuditsa runhare mu-handbag yavo.
“Mirai! Don’t call her, ndapota, hazvina basa nekuvaridzira runhare. Chandiri kuda kuona vabereki vangu chete. Uye zve hamufaniri kuenda neni kumba kunogara vabereki vangu kana muchitya kana kuzeza. Munongondinongedzera chete pamba pacho, ndinoenda ndega. Ndinokumbirawo ndapota”, Zein akavateterera achiita senoda kuchema.

Sisteri Itai vakaramba vakamira vakabata runahre rwavo kwekanguva vanyerere.
“Pinda mumotokari ndiende newe kune vabereki vako”, Sister Itai vakazotaura pava paya.

Vakatyaira motokari vakananga kwaisazivikanwa naZein. Vakamisa motokari pamberi pegedhi rezimba rihombe.
“Ndipo pamba pababa vako apa”, Sister Itai vakanongedzera imba iya.

Get your copy here!

END OF CHITSAUKO 18. Read the next episode here, Chitsauko 19.

Join our group Trending Zimbabwe Novels/Mabhuku

Like my Facebook page, Kelvin Jasi Stories to get real-time updates.

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!