Misodzi: Chitsauko 14

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 14

Zein akapukuta misodzi nekukurumbidza akateverawo kwaenda vamwe kumochari. Mumochari maive makazara vanhu, vachishamisika.
Akapindawo pakati pavo kuti aonewo mashura asimudza tsiye dzevanhu vese. Vamwe vainge vakanyarara, vamwewio ndivo vaiita nhauririrano nehama neshamwari dzavo.

‘Mwari, ngavave babamunini Sifiso ndapota. Ndiregereiwo ndekusatenda kwangu kwamuri. Ndinokumbira ruregerero rwenyu Mwari. Ambuya vakandiudza zvakawanda pamusoro penyu. Vakandiudza zvinhu zvakanaka zvakawanda zvamukavaitira, ratidzai kunaka kumwanakomana wenyu Mwari. Ndatenda’. Zein akanamatira mumoyo achipukuta misodzi pamaziso.

Panguva iyoyo, gonhi remochari rakavhurwa, murume aive akavharwa nezvhichena akamhanyiswa kukamuri yevarwere akaiswa pakamubhedha kane mavhiri. Vanachiremba nevakoti vakakatyamadzwa chose.

“Handisati ndamboona zvakadai muupenyu hwangu kunze kwemumafirimu chete”, mumwe wevakoti akataura nezwi riri pamusoro zvekuti vanhu vese vakazvinzwa.

“Imi, zvakaoma. Ndiri kuita sendiri kurota”, mumwewo mukoti akapindura ari nechekure.

Hana yaZein yaidhidhidza. Akaramba achinamata mukati memoyo wake kuti Mwari vedenga vapindure minamato yake.

“Vemhuri yaSifiso vari kupi?” Doctor vakabvunza. Amainini Tsitsi vaksimuka pavaive vakagara vakaenda kuna doctor uya.
“Tiri pano”, Amainini Tsitsi vakapindura vakabata ruoko rwaKatarina.
“Zvakanakai, nditeverei mukati”, doctor vakadaro vachipinda mukamuri muya. Zein akasara akamira panze, musoro uchirema, aidikitira uye kutya.

‘Mwari vapindura munamato wangu here?’ Zein aifunga akavhura maziso.

Zein ari pakati pekufunga, akaona Sister Itai. Akamhanyira kwavari akanobata hembe chena dzavo.
“Sister Itai, Murume amhanyiswa nachiremba muchiparata umu ndi…”, haana kupedza kutaura Sister Itai vamugama.
“Havana kufa. Babamunini vako havana kufa, vapenyu. Unofanirwa kunge uri mukati navo, uye zve, vati vanoda kuona mhuri yavo”.
“Ho-o, asi handikwanisi kuve pedyo naMainini Tsitsi. Vanondiuraya vakandiona ndiri pedyo nababamunini Sifiso’, Zein akapindura akasuwa.
“Usatye zvako, uya ndiende newe unvaona”, Sister Itai vakadaro.

Zein akatevera achifambisa kukamuri iya akaona babamunini Sifiso. Maziso avo aive akavhurika. Pavakaona Zein, vakanyemwerera ndokubva vavhara maziso.

“Amai, mazviona ka kuti Mwari waZein anunura murume wenyu kuti asafe. Mwana wenyu Zein anamata. Mwari wake akazviita, kwete kuitira iye chete asi kuitira mose semhuri”, Sister Itai vaitaura nemufaro vachinyemwerera kuna Amainini Tsitsi.
“Mati Mwari waZein?” Mainini Tsitsi vakaoma nekuseka. “Ndiani akuudza kuti handisi mukirisitu? Ndiani akuudza kuti handiendi kuchechi? Mwari vanunura murume wangu pamaoko emwana wasatani. Usandiudze kuti Mwari vake vanunura murume wangu”, Mainini Tsitsi vakataura vachinongedza Sister Itai neruoko.

Sister Itai vakakangwa mate mukanwa, vakashaya zvekutaura ndokubva vabuda panze. Zein akavatevera.

“Sister Itai, amai venyu vari kupi?”
“Amai vangu varimo muchipatara, mu-ward 13, Zein”, Sister Itai vakapindura.
“Tingaenda here kunovanamatira?” Zein akabvuza.
“He-e, Zein, doctor vakati hapana chingakwanisa kuitwa chingabatsira hupenyu hwaamai vangu. Vangosara nemwedzi mishoma yekurarama”, Sister Itai vakapindura vachitanga kusvimha misodzi.
“Musachema Sister Itai. Kana Mwari vachikwanisa kuita munana pane munhu akafa, vanotadza nei kuitawo munana pane mupenyu?” Zein akabvunza.

“Katarina, enda kumba unogeza. Uudze Mary kuti agadzirire baba vake chikafu. Uende nekamukomana karoyi aka”, Mainini Tsitsi vakaraira Katarina.
“Ndiani wauri kuti kamuroyi?” Sifiso akabvunza.
“Mudiwa wangu, wamuka?” Amainini Tsitsi vakabvunza nezwi rakapfava.
“Kana pano pane munhu anofanirwa kushevedzwa nezita iroro, ndiwe Tsitsi. Ehe, anofanira kuve iwe! Uri mukadzi ane moyo wakaipa zvikuru kukunda waSatani. Kana ndasimba, uchandiziva zvakanaka”, Sifiso akadaro akanongedza Amainini Tsitsi nemunwe.
Sister Itai vakapindira vakati, “baba musanyanye kuzviisa muhana, musapopote. Muri kupora”.

Amainni Tsitsi vakabuda zvekakuramwa mukamuri vachidana Katarina mwana wavo. Zein ainge ave kuda kumhoresa Sifiso, Katarina akadzoka akati, “Zein, mhamha vari kuda kukuona”. Zein akabva abuda achisiya Sister Itai naSifiso.

Zein achinosvika pamusiwo, akagamuchirwa nembama mbiri kumeso. Akadzadzarika akabata kumeso asati adonha achichema.

“Unoda kuparadza imba yangu, handiti?” Vakapopota Mainini Tsitsi vachidhonza Zein nzeve.

Mainini Tsitsi vaive vakatsamwira Zein zvikuru. “Enda naye kumba. Pandichasvika kumba ikoko ndinoda kumupa chidzidzo cheupenyu hwese”, vakaudza Katarina vachidhumhisa musoro waZein kumadziro.

Zein aichema, misodzi isingamiri kuchururuka pasi. Airwadziwa, dzihwa richiyerera, misodzi ichibuda, uye ropa richibuda pahuma. Akachema zvainzwisa ngoni achitevera Katarina kumashure vachienda kumba. Aidemba kuti, ‘saka ndini ndega ndaksiiwa nevabereki vangu kuti ndiuraiwe here?’

END OF CHITSAUKO 14. Read the next episode, Chitsauko 15 here now.

Kana uchida full version, baya apa.

JOIN our group Trending Zimbabwe Novels/Mabhuku

Like our page Kelvin Jasi Stories. #shonanovels

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!