NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi
CHITSAUKO 11
Sister Itai pavaityaira motokari, hana yaZein yairova zvikuru uye makumbo achidedera nekutya. Aidemba kuti dai Sister Itai vangoenda kunomusiya kumusha kuna Ambuya.
“Sei wakasuwa, haudi kuenda kumba here?” Sister Itai vakabvunza Zein.
Zein akavatarisa, misodzi ikatanga kubvinza.
“Ndakuudza kuti usacheme. Ona ka, baba vako havana kufa zvachose. Pandaive mudiki, ndakarasikirwa nasisi vangu. Ndiye aiva sisi uye hanzvadzi yangu panyika pano, ndaimuda zvikuru. Takaberekwa tiri vaviri chete. Ndakangomuka umwe musi, aive andisiya…”
Zein akavagama. “Atokusiyai? Airwara here?”
“Kwete, ainge asingarwari patikaenda kunorara manheru. Asi chiremba vakati akaita night fever, ndiyo yakamuuraya”, Sister Itai vaitaura misodzi ichiyerera mbichana, madon’we achinodonhera pahembe yavo chena.
“Ndine urombo Sister Itai”, Zein akanzwa ngoni.
“Asi unozivei? Akafa hongu, asi kwete vachose. Pese pandinoda kumuona, ndinongovhara maziso ndinobva ndamuona akamira pamberi pangu. Uzozviedza mumwe musi, zvinoshanda”.
Zein akabatwa nemashoko aya, akashuva achitaura nechemumoyo kuti, ‘dai Mainini Tsitsi vakafanana saSister Itai, pakunzwisisa uye hushamwari’.
Vakambonyara kwenganguva Zein akazobvunza Sister Itai mumbvunzo.
“Sister Itai, Mwari variko here zvechokwadi?”
Sister Itai vakaseka, ndokubva vati, “sei wabvunza?”
“Nekuti Ambuya vangu vakati Mwari variko uye ndiye Baba kune avo vasina baba. Vakati zve vanobatsira avo vanodana kwavari.”
Sister Itai vakamutarisa, vakatura befu ndokubva vati, “Hongu Mwari variko kune avo vanovaziva. Kwandiri, Mwari havako sezvataurwa naDoctor paya: takaberekwa kuti tiite vana tobva tafa”.
Zein haana kupindura, akanamanura ma-sticker aJesu aiva pabhuku rake akamarasa nehwindo.
“Yanga iri yei mifananidzo iyoyo?” Sister Iityai vakabvunza.
“Murume angori mifananidzo, haako zvachose”, Zein akapindura achiita seari kuda kuchema.
“Asi nhai Zein, Mwari akambopindura munamato wako mumwe chete zvawo here?” Sister Itai vakabvunza.
Zein akamboti zi-i achifunga minamato yose yaakaita kunaMwari. Akafunga manamatiro nemakumbiriro aaiita kuna Mwari kuti vadzose vabereki vake; uye manamatiro aaiita kuti sekuru vake vapfume vakwanise kumutora kubva kumba akwaAmainini Tsitsi. Aifunga zvakadzama, ndipo paakarangarira mhinduro yaakapiwa naMwari, vakamutumira Sifiso semununuri wake.
“Hongu, asi kamwe chete”, Zein akapindura.
Sister Itai vakamisa motokari kunze kwemugwagwa pakarepo vakabvunza kuti, “kana Mwari vakambopindura minamato yako, sei usiri kuvimba navo nhasi?”
“Nekuti vakanditumira mubatsiri asi vakabva vamutora”, Zein akapindura achisvimha misodzi.
“Zvako iwe zviri nani nekuti vakatambokupindura. Ini handitendi kuti kuna Mwari nekuti sisi vangu vasati vashaya, mufundisi vaiparidza kuchechi imwe Svondo kuti Mwari ndivo mavambo nemagumo. Vakaenderera mberi vachiti Mwari vanopindura minyengetero yose. Pakandikatyamadza ndipo pavakaparidza nezvemukomana ane makore makumi nemashanu akashaikirwa naamai vake. Vakati mukomana uyu akanamata neshungu dzose amai vake vakamuka kuvakafa. Saka pandakashaikirwa nasisi vangu, ndakanamata asi havana kumuka. Baba vangu vakarwara, zvekurwara zviya. Ndakanamata ndikatsanya asi futi hazvina kushanda, vakafa. Izvozvi amai vangu varikurwara, vatova nemwedzi mina vari muchipatara kutaura kuno”, Sister Itai vaitaura vachisvimha misodzi.
Zein aive mwana ane zvishuvo zvikuru. Akachemera mukati, achidemba kuti dai akwanisa abatsira Sister Itai.
Mushure mekanguva vakanyarara. Sister Itai vakamutsa mota. Vakabvunza Zein kuti angade chekudya here asi Zein akati haana nzara. Nzara aiva nayo nzara asi moyo waiva wakasviba zvekuti aive asinganzwi kuda kudya chero chinhu.
Vari pakati pekufamba, nhare yaSister Itai yakarira, vakaidavira. Vakamisa motokari vakataura panhare, vachipedza vakabva vadzokera kuchipatara.
“Hatichaendi kumba here?” Zein akabvunza asiri kunzwisisa zviri kuitika.
“Ndadaidzwa kuchipatara, ndiri kudiwa ikoko izvozvi”, Sister Itai vakapindura nezwi raidambuka-damuka vachiratidza kusagadzikana.
“Ndinovimba kuti zvinhu zvose zvakanaka, handiti?” Zein akabvunza.
“Nyarara, handei chete”, Sisiter Itai vakapindura.
Please join our group Trending Zimbabwe Novels/Mabhuku now.
THE END OF CHITSAUKO 11. Read the next episode, Chitsauko 12 here now.
Get your Misodzi ebook now!
Follow my page Kelvin Jasi Stories. ????

