NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi
CHITSAUKO 1
Zein paaive nemakore mana, Amainini Tsitsi vakamuendesa kuchikoro. Sevamwe vana akatanga kudzidza kunyangwe aiva mudiki pazera zera rake kuti atange kuita Grade 1. Musi wake wekutanga kupinda chikoro akatanga kuongorora vana vaive mukirasi make, mudzidzisi wake uye chikoro chose sezvo zvose zvaive zvitsva kwaari.
Zein akakurira kumusha nambuya nasekuru vake. Haana kuwana mukana wekuzivawo rudo rwevabereki vake. Rudo rwaaiwana kubva kunasekuru naambuya vake rwakatomupa kukanganwa nezvebereki chaivo.
Asi semwana ainge asina sarudzo kunze kwekuvimba naMwari uye kuramba achinamata kuti rimwe ramazuva azozivawo vabereki vake vananyakutumbura.
Chinhu chaigara chichimudya moyo ndechekuti ‘sei vamwe vana vane vabereki vavo asi ini ndinasekuru naambuya?’ Izvi zvaiita kuti Zeni agare achifunganya asi aisakwanisa kubvunza sezvo aiva mwana mudiki. Musi waakapedzisira kubvunza mubvunzo uyo, haana kuzoda kubvunza zve nekuda kwezvaakaitwa mushure saka akange ava kutya kubvunza zvekare.
Sekuru naAmbuya vaZein vaikundikana kumubhadharira mari yechikoro saka vakamuendesa kuguta reHarare kunogara namainini Tsitsi avo vainzi munin’ina waamai vaZein.
Masvondo mashoma Zein asati aendeswa kuHarare, akanzwa tete Yvonne, hanzvadzi yababa vake vachitaura nasekuru vake. “Baba vaZein vasati varoorana naamai vaZein, vaidanana namainini Tsitsi”, Tete Yvonne vaitaura vasingazivi kuti Zein wacho ari kuzvinzwa.
Zein akavhunduka achinzwa izvi, akazvibvunza kuti, ‘ko ivo amai vangu vari kupi chaizvo vasingauyewo kuzondiona? Dai ndangovaonawo kamwe chete zvako.’
Tete Yvonne mudzimai wechikuru uyo aimbogara kuHarare asati auya kumusha kuzogara mushure mekushaika kwemurume wavo pamwe nevana vaviri netsaona yemumugwagwa.
Pavakati pfacha muguta reHarare, maziso aZein aimhanya pose pose. Marobhoti achiti tsvu-tsvuu sezvo vakasvika kwadoka. Pavakaburuka bhazi, kwaifefetera kamhepo kaidziya kupfuura kekumusha kwavainge vabva.
“Gogo handidi kugara nemumwe munhu kunzwe kwenyu naSekuru. Ndinotya kuti vamwe vanhu vanozondirova sezvinoitwa vamwe vana,” Zein akadaro achiratidza kufungisisisa.
“Usanetseka zvako Zein, uchawana rudo pano kubva kuna Mainini Tsitsi. Vane mari yakawanda uye vachakuchengeta zvakanakisa muzukuru wangu akanaka. Vachakuendesa kuchikoro chepamusoro uye uchakura wozova mumwe munhu nerimwe remazuva’, ambuya vaZein vakataura vachinyemwerera, vachimupa simbiso seakapiwa naRoy mwana waTete Yvonne.
Musi wekutanga ari kumba kwamainini Tsitsi, Zein akanzwa kudziirwa mumoyo make. Akafara achiona zvaainge amboudzwa naambuya vake kuti Mainini Tsitsi vachamuchengeta zvakanaka.
Imba yaMainini Tsitsi yaive yakazara nezvinhu yye yakashongedzwa. Zvinhu zvaigara zvakachena uye zvakarongedzwa zvakanaka. Zein akashamisika achiona flat screen TV yaive yakaturikwa kumadziro yakakura kumupfuura.
“Ndinofunga kuti ndingada zvangu kuve pano”, Zein akazevezera kuna ambuya vake abva kuvakwenya pachigokora.
“Ndakakukuudza paya, uchapapafarira zvako pano”, ambuya vaZein vakazeverawo Panguva iyoyo Mainini Tsitsi vakabva vapinda.
“Ha-a, Mhamha tigamuchire”, vakataura neruremekedzo vachipugama pasi.
“Wazviita hako mwanasikana wangu. Wachinja zvikuru’, ambuya vakapindura.
Zein semwana mudiki ainyara nekuti aive asina kujaira zvekusangana nevanhu vatsva uye kuve mumba yakanaka kudai zvaimuvhundutsa zvishoma.
“Mhoresa Amainini tsitsi vako”, ambuya vakazevezera munzeve dzaZein.
Akavhunduka zvhishoma. “Manherui mainini Tsitsi”, Zein akavamhoresa achikakama.
“O-o, mukomana akanaka! Manheru akanaka”, Mainini Tsitsi vakapindura vachibata ruoko nekumupa nyemwerero.
“Mwana wacho anonyara kani”, ambuya vakadaro.
“Anonzi ani?” Mainini Tsitsi vakabvunza ambuya.
“Akura kuti azvitaurire, mubvunzei anokuudzai”, ambuya vachisekerera vakatarisa Zein kuti awane manyawi.
Mainini Tsitsi vakaseka. Izvi zvakaita kut Zein asagadzikane, mudumbu make makatanga kurira tumabhanan’ana kuti ‘kororo-kororo’.
“Unonzi ani nhaai handsome?” Amainini Tsitsi vakabvunza vakamutarisa mumaziso.
Zein akapfakanyika asati apindura, “ndinozni Zein Jonasi”. Akapindura maziso ake azere nyadzi.
“Inga une zita rakanaka chose. Wakatora zita rababa vako”, vakashamisika. “Chiendai munogeza mozouya today zvamanheru”.
Zein paakapinda mukamuri yekugezera akashamisika achiona shower. Ainge asati ambogezera mu-shower. Nguva dzose Zein aishuvira kuwana zvinhu zvose zvakanaka zviri pasi pezuva, saka musi uyu Zein akageza nguva refu kusvikira mbuya vapopota kuti achipedza. ‘Bathroom ichava shamwari yangu yepedyo pamba pano’, Zein akazviudza nemufaro mukuru achimhanya-mhanya kupfeka hembe kuti aende kwaidyira vamwe.
Zein akasvika akwana vari pakati pekudya. Mainini Tsitsi vakamupa ndiro yakazara shaku ne-macaroni, nyama yehuku, kanhanga, beetroot, mazai nezvimwewo zvinonaka. Musi uyu Zein akadya zvaasati amboita muupenyu hwake.
“Gogo, chikafu ichi chiri kuzipa zvikuru”, Zein akazevezera ambuya vake nemufaro mukuru.
Ambuya vakamutarisa kumeso, vachinyemwerera kunge mudzidzisi waZein wekumusha vanonzi Mam Molly.
Mam Molly mudzidzisi mudzidzisi waZein wepamoyo kumusha. Ndivo vakadzidzisa Zein kunyora zita rake. Pamakore mana, Zein ainetseka nekunyora asi Mam Molly vakaita moyo murefu kusvika ave kugona kunyora zita rake.
“Ndakakuudza, uchakuda kuno. Ndine chokwadi chekuti aya mavambo. Uchadya kusvika waneta nekudya. Hapachina zvekudya sadza masikati ega ega kana wabva kuchikoro”, ambuya vakazevezera kunaZein vachinyemerera.
“Ndichafumira kubata jongwe muromo mangwana, ndinoda kudzokera kumusha. Ndichasiira Zein”, ambuya vakadaro kuna Manini Tsitsi.
Amainini Tsitsi vakanyemwerera ndokupindura, “Mhamha, musanetseka zvenyu nekuti ndichagra naye zvakanaka semwanakomana wangu”. Vakataura nezwi nyoro.
Nguva dzati fambei manheru aya, Zein akaratidzwa imba yaizorara. Yaive yakashongedzwa kunge kamuri yehotera uye yainhuwirira chose.
Mangwanani aitevera, ambuya vakachinja nhumbi vagadzirira kunanga kumusha.
“Kana woenda kuchikoro, ndapota muzukuru uteerere vadzidzisi vako Zein, handiti ka?” Ambuya vakadaro vachibva vabuda kuenda ku-town.
Zein akayeredza misodzi achiona Mainini Tsitsi vachityaira mota kubuda naAmbuya. Zein aingova nemakore mana chete, ainge asina kujaira kugara nemumwe munhu kunze kwasekuru naambuya vake.
Mushure manguva inenge awa imwe chete, Mainini Tsitsi vakadzoka nezimota ravo, Jeep, rakanaka kunge rinotaura.
“Uchiri kuchema nazvino? Wasuka mandiro here?” Mainini vakabvunza nehuso hsingajairike. Zein akazunguza musoro.
“Enda unosuka mandiro uko, kurumbidza”, vakavhumbura Zein.
Zein akatirimuka akaenda kukicheni kunosuka mandiro asina kupindura chinhu.
‘Ndakanzwa kuti mainini Tsitsi vane vana vakura, vari kupi?’ Zein aifunga zvichimunetsa.
Zein ari pakati pekusuka akadonhedza komichi yegirazi pasi ikapwanyika ikarira kuti pwaka. Akavhunduka zvekuzvitotesa paakanzwa mainini Tsitsi vachishamatata kuti, “mukomana uyu haandiurayi here, chii chwawanya?” vakabvunza vachimhanyira kukicheni.
END OF CHITSAUKO 1. Read the next episode, Chitsauko 2 here.
Get a full version of Misodzi as a PDF here.
Join our group Trending Zimbabwe Novels/Mabhuku now!
Like/Follow my Facebook page, Kelvin Jasi Stories for more stories and books. Thank you!.