Dr kelvin Jasi

Misodzi: Chitsauko 9

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 9 Amaini Tsitsi vakadzungaira vakashaya zvekuita. Vakadikitira, vachichema uye izwi ravo radambuka. “Ko ndaiteiko nhai Mwari? Chii chandaita ipapa. Zein aindiuraya chokwadi. Ndapera”.“Mhamha iyi haisi nguva yekupomera mumwe munhu mhosva yamaita imi mbune. Ngatimhanyei kuchipatara naDaddy vasati vapera ropa”, Mari akataura zvineushingi huso hwake hwakati mokoto misodzi.“Sifiso simuka, ndapota. […]

Misodzi: Chitsauko 9 Read More »

Misodzi: Chitsauko 8

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 8 Amainini Tsitsi vaive nehutsinye hunotyisa kuna Zein zvekuti paaivatarisa ainzwa kutya. Nguva zhinji Zein aigara achizvibvunza kuti, ‘Chii chandikaita kuti ndivengwe nemudzimai uyu? Sei vachindibata zvakashata kudai?’ Mibvunzo iyi yaigara iri mumusoro make. Zein achienda kukamuri kwake achichema, achirwadziwa uye kusuwa murume waMainini Tsitsi akamuona. Akadambura runhare nekukurumbidza.“Zein,

Misodzi: Chitsauko 8 Read More »

Misodzi: Chitsauko 7

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 7 Mhepo yaivhuvhuta kunze kwakakwidibira, kuchitonhora. Zein aive akanyorova mbatya dzose achigwagwadza uye achingochema. Aisachema zvekuridza mhere, chaioneka misodzi nemaziso kutsvuka nekuzvimba chete. ‘Ndiwo magumo angu here aya?’ Zein aifunga. Katarina akavhura gedhi kuti harada, Toyota Prado nhema ikapinda ichiridza bhero kuratidza mufaro wemutairi wayo. Katarina akavhara gedhi achisekerera

Misodzi: Chitsauko 7 Read More »

Misodzi: Chitsauko 6

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 6 Semwana, Zein akaenda kukamuri yake akatsamwa achichema achidemba kuti dai asina kumbobvira auya kuzogara namainini Tsitsi.Husiku uhwu, akarara nemisodzi pamatama akamuka mwangwana acho nemisodzi pamatama. ‘Rudo rwuri kure neni… ndichazowanawo rudo here pasi pano? Kubva kuna ani chaizvo?’’ Zein akarangarira mashoko aakaudzwa naambuya vake vachiri kumusha. Vakati, “Mwari

Misodzi: Chitsauko 6 Read More »

Misodzi: Chitsauko 5

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 5 Mushure menguva inenge maawa matatu, Zein aicheredzera mvura muzidhiramu zihombe paakanzwa bhero remotokaari yaManini Tsitsi. Pakarepo akamhanyira kuseri kwemba kunohwanda. Zein aivadongorera vakabereka Jack vachipinda mumba. Zein akanyahwaira akanopinda mumba make ndokubva anyarara. Akanzwa Mary achibvunza Mainini Tsitsi kuti rwendo rwekuchipatara rwafamba sei. Mainini Tsitsi havana kupindura. “Kari

Misodzi: Chitsauko 5 Read More »

Misodzi: Chitsauko 4

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 4 Mary, sisi vavo vakuru akatora dhishi akatanga kugeza tsoka yaJack. Zein haana kunzwisisa kuti Jack atsika sei girazi rakatsemuka iye atsvaira mukicheni mose akakanda tsvina yose nemagirazi ose mubhini. ”Wachekwa sei negirazi rakatsemuka, Jack?” Katarina akabvunza achishamisika. Jack aichema saka haana kukwanisa kupindura. “Zein, mhamha havana kukuti utsvaire

Misodzi: Chitsauko 4 Read More »

Misodzi: Chitsauko 3

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 3 Mainini Tsitsi vakamira pamusiwo vachinetseka kuti mandiro mapfumbamwe aputsika sei pamwe chete. Maziso avo aioneka kuzara nehasha. Vachifemera pamusoro kunge mombe yadzipwa nechitirobho. Mukati mavo vachiita kuvira kunge sekachaso. Zein achichema akatanga kunhonga magirazi. Jack akamhanya kubuda mukicheni achitya kurohwa naamai vake. Zein akatarisa meso amainini Tsitsi akanzwa

Misodzi: Chitsauko 3 Read More »

Misodzi: Chitsauko 2

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi Chitsauko 2 Mainini Tsitsi vakanopinda mukicheni vachimhanya vakawana Zein achiunganidza magirazi apwanyika pasi. “Jesu!” Vakakatyamara MaininI Tsitsi vachibva vawatsura Zein nembama kumeso. Mwana akadonhera pamusoro pamagirazi neuso, paaimuka akabva amatsika zve magirazi aya. Kutya kukuru kwakamubata, mufaro wese hwekuva pamba paMainini Tsitsi hukapera pakarepo. Makumbo ake akange obvunda seapindwa nechando.

Misodzi: Chitsauko 2 Read More »

Misodzi: Chitsauko 1

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 1 Zein paaive nemakore mana, Amainini Tsitsi vakamuendesa kuchikoro. Sevamwe vana akatanga kudzidza kunyangwe aiva mudiki pazera zera rake kuti atange kuita Grade 1. Musi wake wekutanga kupinda chikoro akatanga kuongorora vana vaive mukirasi make, mudzidzisi wake uye chikoro chose sezvo zvose zvaive zvitsva kwaari. Zein akakurira kumusha nambuya

Misodzi: Chitsauko 1 Read More »

error: Content is protected!