Misodzi: Chitsauko 4

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 4

Mary, sisi vavo vakuru akatora dhishi akatanga kugeza tsoka yaJack. Zein haana kunzwisisa kuti Jack atsika sei girazi rakatsemuka iye atsvaira mukicheni mose akakanda tsvina yose nemagirazi ose mubhini.

”Wachekwa sei negirazi rakatsemuka, Jack?” Katarina akabvunza achishamisika.

Jack aichema saka haana kukwanisa kupindura.

“Zein, mhamha havana kukuti utsvaire magirazi akatsemuka here?” Mary akabvunza akavhura ziso reruvengo.

“Hongu vadaro. Ndatsvaira magirazi ose ndikamarasa mubhini remarara”, Zein akapindura hana ichirova kunge ichatsemura chipfuva nekutya.

“Kana watsvaira, Jack azochekwa sei nemagirazi mukicheni muno?” Mary akabvunza akafinyamisa kumeso.

Zein haana kukwanisa kudavira mubvunzo uyu, saka akaramba anyerere. Mary naKatarina vakabatsirana kugeza uye kusunga tsoka yaJack kuti ropa risarasike rakawanda.

Vose vakaratidza kuve nehanya naJack hanzvadzi yavo chete saka Zein akabuda akanogara panze.

Musoro waZein wairwadza memavhivhi, tsoka dzichirwadzawo zvekare.

Ndini ndega mwana asina mukoma, munin’ina kana hanzvadzi kuti indiratidzewo rudo sezvinoitwa nehanzvadzi dzaJack’. Zein aitaura ega. ‘Sekuru naAmbuya ndivo vega vemhuri yangu pasi rino. Chokwadi rudo rwavo kwandiri runopfuura rwevabereki vakandiunza panyika’.

Usiku hwega hwega, Zein ainamata kunaNyadenga kuti vapindure minamato yaSekuru. Uye zve, kuti hurumende ivabhadhare mari dzavo dze-retirement. Nekuti aiva nechivimbo chekuti kana sekuru vakawana mari, vaizouya vomutora obva pajeri repamba paMainini Tsitsi.

Paaive pakati pekufunga kudaro, Zein akanzwa Mainini Tsitsi vachimudana.

Nhasi zvangu, ndatofa kare’. Akadaro mumoyo. Akadavira, akasimuka akaenda kwavari.

Mainini Tsitsi vainge vakagara vakabata bhodhoro remushonga wemaronda. Vainge vakaunyanidza kumeso zvisina mukare akamboona Zein achienda patafura yekudyira yavaive vakagara.

Jack aiva akagara pasi achichema akabata tsoka yake. Mary naKatarina vaive vakamira pamusiwo. Hana yaZein yaikwata nekurova achienda pakagara Mainini Tsitsi.

“Uri muroyi mukonama iwe”, Mainini Tsitsi vakataura nehasha. “Ndakuti utsvaire magirazi awapwanya mukicheni, asi iwe watsvaira mamwe ukasiya mamwe kuti mwana wangu achekwe nawo, handiti? Tarisa tsoka yake. Hona zvawaita mwana wangu. Ndinopika nevadzimu venyika ino kuti pakangoitika chinhu kumwana wangu chete, maiwe-e, handikuzvambaradze chete asi ndinokuuraya”, vakapopota vakamunongedza nebhodhoro remushonga wemaronda.

Zein akaramba anyerere akamira akagumbata maoko nekutya. Akarangarira zvaakaudzwa naAmbuya kumusha pavakamuti, “Zein mwanangu, remekedza vakuru nguva dzose kana vachitaura. Gamuchira mhosva kunyangwe pasina zvawaita nekuti uri mudiki kuti utaure kana kunzwikwa”.

“Ndiri kuenda kuchipatara naJack. Pandichadzoka ndinoda kuwana wazviuraya nekuti ini mbune ndichaona zvekuita newe. Unoita kunge mweya wetsvina pachezvako. Uri mudzimu here?” Mainini Tsitsi vakabvunza vachimusikidza mbama.

“Kwe.. kwete handisi”, Zein akapindura nezwi rakadambuka-dambuka.

Maininini Tsitsi vakatarisa Zein vachiita kunge pane zvavari kufunga. Vakabuda, vakatyaira motokari yavo zvehasha vakati hutu kuenda.

“Mhamha vari kuenda naJack kupi?” Katarina akabvunza achiratidza kuvhiringika.

“Kuchipatara. Vaenda kunorapisa Jack”, Mary akapindura zvekumhanya.

“Aizve, vanga vachifanira kuendawo zve naZein nekuti akuvara zvakaipisisa mumusoro nepasi petsoka kupfuura Jack”, Katarina akaenderera mberi

Zein akafambisa achibuda achiyeredza misodzi. Ipapo akataura ega kuti, ‘hupenyu husina vabereki haubatsiri. Hupenyu ndisina Sekuru naAmbuya igehena chairo kwandiri…

END OF CHAPTER 4. Read the next episode, Chitsauko 5 here.

Get Misodzi ebook here.

Like my page Kelvin Jasi Stories kuti usapotswe nenganonyorwa.

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!