NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi
CHITSAUKO 12
Pese painge pakazara vanhu vakamira pagedhi rechipatara. Doctor vaitaura nemumwe wevakoti. Sister Itai vakamhanyira muchipatara vachinetseka kuti chii chii chii chiri kuitika. Zein aimhanyawo achitevera mumashure zvichimunetsa kuti sei pachipatara pakazara vanhu kudaro.
“Mandidana”, Sister Itai vakabvunza Doctor vachifemereka.
“Hongu, ndakudana. Paita emergency inoda imimi kuti muvepo. Ko, Sister, manga masiya mwana uyu kumba kwavo nanhasi?” Doctor vakabvunza vachishamisika.
“Ndanga ndichiri munzira pamanditi ndidzoke. Ndanga ndisati ndasvika kure saka ndangoti rega ndidzoke pamati paita emergency”, Sister Itai vakapindura.
“Zvisinei. Pana baba naamai vaita tsaona maminitsi mashoma apfuura. Vakuvara zvakaipisisa. Ndinoziva kuti iwe ndipo paunogona kwazvo, ndiwe wandinovimba kuti unokwanisa kuvabatsira panguva ino”, doctor vakadaro.
Vari pakati pekutaura, Zein akamira nemadziiro achifunga Sifiso. Aizvibvunza kuti, ‘Ndichawanepi mumwe mubatsiri’. Ari pakati pekufunga kudaro, Sister Itai vakamudana kuti vaende vose kukamuri yevarwere.
Zein achisvika kukamuri kuya akaona murume akakuvara zvakaipa. Ruoko rwerudyi rwaive rwakatyoka. Ropa raibuda neparutivi pemusoro. Akanzwa ngoni.
“Saka achafa sezvakaita babamunini Sifiso here?” Zein akabvunza Sister Itai achitya zvukuru.
“Nyarara. Havafi, uye usashuvira mumwe munhu rufu”, Sister Itai vakapindura nehasha. Asi pavakaona kuti ari kuchema, vakamuti agare pasi.
Zein akafunga kunogarira panze. Paaifamba kubuda, akaona murume akapfeka chibudura nevhesi achimhanya achipinda mukamuri yechipatara yaari kubuda. Akagara pasi achimirira kuti Sister Itai vazomuperekedza kumba.
Mushure memaminitsi mashoma, Zein akaoma murume uya achiuya ane vhesi ari naSister Itai vachibuda vachimhanya vese.
Mamhanyiro emurume uyu akafungisa Zei Baba Max. Baba Max vaive shamwari yaSekuru kumusha. Akanyatsorangarira Sekuru pavaida kutenga munda kumusha waive waBaba Max, vakamira nemukoma wavo vachienda kubhanga kunotora chikwereti.
Sekuru vatora chikwereti kubhanga, vakadzoka kumba. Mangwana acho, Zein naSekuru vake vachimenya mupfarinya Baba max vakasvika vachimhanya vakapfeka vhesi nekabudura vachichema kunge mwana mucheche.
“Ndapota, ndinokumbirawo rubatsiro rwenyu”, Baba Max vakadaro vachiombera
Sekuru vakashamisika, vakamutarisa. Vakambomira kwechinguva vachinetseka kuti sei shamwari yavo iri kuchema.
“Haufaniri kuchema nekunditeterera rubatsiro zvekudaro. Ndiwe shamwari yangu mudunhu rino uye munhu wese anozviziva. Saka usachema”, Sekuru vakadaro.
“Mudzimai wangu, mudzimai wangu we-ee”, Baba Max vaitaura vachichema misodzi.
“Aita seiko mudzimai wako?” Sekuru vakabvunza.
Zein haana kumira kumenya mupfarinya achiita seasiri kuvateerera.
“Aita tsaona pamugwagwa. Doctor vati havakwanisi kumubatsira kana pasina kubhadharwa $500 yekuti basa ritange”, Baba Max vakapindura vachipukuta misodzi.
Sekuru vakatura befu, vakasimuka vakapinda mumba. Vakabuda nemari iri muhemvuropu vakatambidza shamwari yavo, Baba Max, sekudaidzwa kwavanaoitwa nedunhu rose.
Baba Max vakafara zvikuru mangwanani iwayo vakatenda Sekuru. Havana kugara, vakabva vaenda vachimhanya-mhanya.
“Muri muenzaniso weshamwari yakanaka”, Ambuya vakadaro vachishevedzera vari mumba.
Zein ainge achiri pakati pekufuga nezvaBaba Max. Akavhunduka murume uya akapfeka vhesi achimurova pabendekete ndokubva ati, “Sister Itai vari kuda kukuona”.
Zein aizengurira kusimuka nekuti aive aneta uye anga ava nenzara.
“Mukomana, uya nekukurumbidza”, murume ane vhesi akataura achiratidza kuve mumashure menguva, ndokubva aenda.
The end of Chitsauko 12! Read the next episode, Chitsauko 13 here now.
Join our group Trending Zimbabwe Novels/Mabhuku.
Like/Follow my page for real-time updates Kelvin Jasi Stories. ????
To get Misodzi ebook, click here.

