Misodzi: Chitsauko 16

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 16

Zein aive panze achisvimha misodzi, ndokubva anzwa ruzha mumba. Akavhunduka. Akasimuka akapukuta misodzi ndokubva amhanyira mumba.
Akawana Mary naKatarina vachirwa. Vainge vabvarurana hembe nekukuvadzana, vapana maronda.

Zein akashaya zvekuita sezvo aiva mudiki kwavari vose. Akanetseka achizvibvunza kuti, ‘ndiri aniwo zvangu kuti ndingataure navo zvekuti vanganditeerera’.

“Mary iwe une moyo unenge dombo uye wakaipa kwazvo. Waudzirei mhamha kuti ndapa Zein chakafu? Zvine basa rei kuti ndapa munhu chikafu? Chikafu hachinyimwe munhu. Chaibva chaora mhani”. Katarina aipopota.

Panguva iyi Zein akavhara maziso akarangarira ari kumusha paakashanyira shamwari yaambuya vake. Vaimubata semwana wavo zvekuti ainyotsonzwa kugadzikana kwete sepamba paMainini Tsitsi. Zvakamubata pamoyo nekuti Ambuya vainge vamuudza kuti Mainini Tsitsi munin’ina waamai vake. Kureva kuti vaive amai vake chaivo. Ainofunga achiyerera misodzi pamatama.

“Uzobvunza mhamha izvozvo kana vadzoka”, Mary akapindura achiombera.

Zein haana kutaura chinhu kwavari. Akabuda anyerere akaenda kukamuri kwake.

Mushure memazuva maviri, Jack naZein vainge vakagara mu-sitting room. Vakanzwa bhero remotokari kugedhi.

“Mhamha naDaddy vadzoka!” Jack akasvetuka nemufaro.

‘O-o Mwari, kwete zvekare. Amainini Tsitsi vadzoka. Ishe, ndinoisa muviri nemweya wangu mumaoko enyu’, Zein akanamata chinyararire ipapo hana ichirova nekutya.

Mary akamhanya akavhura gedhi. Zein akabuda akanohwanda kuseri kwemaruva aive kuseri kwemba. Aidongorera Mainini Tsitsi naSifiso pavaibuda mumotokari.

Musoro waSifiso waive wakasungwa nebhandeji. Akabuda mumotokari zvishoma nezvishoma akambundirama nevana vake. Akatarisa tarisa asi haana kuona Zein.

“Ko Zein ari kupi?” Sifiso akabvunza. Ndicho chekutanga chakabuda pamuromo pake.

Zein akaona matariairo akaita Amainini Tsitsi kuna Sifiso kubv paainge akahwanda.

“Unofanira kubvunza vana vako kwete kamwana kasina vabereki ako”, Mainini Tsitsi vakapindura zvisina ruremekedzo.
Sifiso akatsamwa akakanda mbama kumeso kwaAmaini Tsitsi.

“Daddy, mhamha havasati vachinja moyo nanhasi”, Katarina akataura achiratidza kusafara kuna Sifiso.

Achiona zvose izvi, Zein akatanga kunamata mumoyo maziso ake akanyakata nemisodzi, ‘Saka ndini honzeri yamatambudziko emhuri iyi here? Pese pangotaurwa zita rangu mumba muno mhedzisiro yacho kurwa. Ishe, ndapota batsirai mwanakomana wenyu aunze runyararo mumba maSifiso. Kana ndiri ini honzeri yehondo dzemhuri iyi, handidi mubatsiri mumba muno’.

“Amai vako vakaipa moyo Katarina. Pandikavaroora vainge vasina kudai. Munhu werudzii kushata moyo zvekudaro”, Sifiso akapopota.

“Hoo, saka wave kunditi ndakaipa nekuda kwe… kwe… zvisinei”, Amainini Tsitsi vakatsamwa asi vakabva vanyarara, misodzi ikatanga kuyerera mumaziso mavo.
“Kunyangwe ukachema handina basa nazvo. Mwari vanoziva kuti ndiri kutaura chokwadi. Kana kukuudza chokwadi kuchikuchemedza handina basa nazvo, nekuti ndicharamba ndichikuudza chokwadi Tsitsi”, Sifiso akataura nehasha achidana Mainini Tsitsi nezita ravo.

“Zein ari kupi, Jack?” Sifiso akabvunza.
“Anofanira ari mumba”, Jack akapindura.
“Aizve, haana kundiona here? Ari kuitei mumba ari ega?”

Paakanzwa kuti Sifiso ari kumutsvaga, Zein akabuda kubva paainge akahwanda akamhanyira kwaari. Akasvetukira muviri wavo sekusvetukira kwaaiita Sekuru pese pavanenge vadzoka kumba. Sekuru vainge vakambomuudza kuti aiwanza kumhanyira baba vake ovasvetukira achivafarira. Zvisinei, semunhu aive achiri mwanana panguva yacho aive akanganwa chiso chababa vake.

Ndangariro dzati tizei, Zein akashamisika ava mumhepo akandwa naSifiso kunge kamwana kacheche.

“Daddy, ndikandei mudenga”, Jack akakumbira.
Sifiso akaseka. “Jack hausiri mwana”, akataura achisekerera. Sifiso akaisa Zein pasi ndokubva afamba kupinda mumba akabata ruko rwaKatarina naMary.

Zein ave kuda kuteverawo mumba, Jack akamuvharira nzira akavhura maoko.
“Enda unotsvaga vabereki vako. Kunyanya baba vako ndokunge unavo. Urege kumhanyira baba vangu futi”, Jack akadaro ndokubva aseka achimhanya kupinda mumba.

Mashoko aJack akazunguza moyo waZein. Mashoko ake akapisa moyo waZein kunge tii inopisa mumukanwa.

‘Handisi kuzochema’. Zein akazviudza. Akazvishingisa moyo kuti misodzi isatombobuda zvachose. Zvisinei, zvakaramba akazongoona maziso ake atota. Akatarisa mudenga misodzi ikayerera, akaipukuta asi haina kumira kuyerera pahuso hwake.

Zein akamira panze kwenguva yakati kuti. Akazoita zvekuvhunduka paakanzwa Jack achimushevedza. Akapukuta misodzi nekukurumbidza ndokubva apinda mumba.
Achipinda mumba akaona Sifiso akagara pa-dining table. Padivi pake paiva naKatarina, Mary naJack.
“Uya utore chigaro, Zein”, Sifiso akadaro.

Amainini Tsitsi vainge vasipo.
‘Ndinofunga kuti vari kukicheni’. Zein akafunga kudaro achifamba kuenda kunotora chigaro patafura paive pakagara vamwe, achipukuta misodzi mumaziso.
“Sei uri kuchema”, Sifiso akabvunza.
Zein akamutarisa achivhiringika. “Handisi kuchema”, akapindura.
Sifiso asati abvunza mumwe mubvunzo, Mainini Tsitsi vakauya nedhishi kubva kukicheni vakaisa pa-dining table.

Zein akashamisika kuti Amainini Tsitsi havana kumutsamwira pavakamuona ari pa-dining table. Zvisinei, hana yake yairova uye aive asina kugadzikana.

Amainini vakavhura dhishi riya, raiva rakati pamu nenyama.
“Chikafu chamabika chiri kunhuwirira zvikuru”, Sifiso akadaro achinyemwerera.
Mainini Tsitsi vakanyemwerera vakapakurira munhu wese mupunga kusanganisirawo naZein. Zein akatarisa Mainini Tsitsi naSifiso. Akanzwa mufaro kufashaira mumoyo make achisundira chipunu chemupunga mukanwa.
Zein akazvibvunza mumoyo make kuti, ‘ndiri kurota here?’

“Kana uchida chimwe chikafu undiudze”, Amainini Tsitsi vakataura vakatarisa Zein.

Zein akazviropafadza nechikafu chiya achitenda Mwari. Amainini Tsitsi havana kutendera Zein kuti apedze chikafu chake. Vakamuwedzera mumwe mupunga nenyama yehuku achiri pakati pekuti apedze ndiro yake.
“Mazviita Mainini Tsitsi. Ndimi Amanini vangu vepamoyo panyika pano”, Zein akatenda achikamamira.

“Pandaive muchipatara, chinhu chaive mupfungwa dzangu kuramba amai vako. Asi handichavapi gupuro kana vakagamuchira kuchengeta Zein semwana wavo. Uye zve, kana imi vana vose mukagamuchira Zein semumwe wenyu”, Sifiso akataura achirevesa kwavari.


Manheru iwayo, Zein akadya nemhuri yaSifiso sevanhu vamwe. Izvi zvakaramba zvihichiitika kwemakore kubva musi uyu wavakabuda kuchipatara. Sifiso aigara akateya ziso kuona kuti Zein ari kubatwa naAmainini Tsitsi zvakafanana nevamwe vana here. Kunyangwe asipo aiona kuti Zein asara zvekanaka uye ane mufaro

Zein akaendeswa kuchikoro chehurumende naSifiso. Akadzidza kusvika apedza zvidzidzo zvePrimary, akatumirwa kuSecondary School.


Mumwe musi vaive vagara panze vachifurwa nemhepo vachinwa mukaka wakadziiswa, kukurukura uye kuseka. Asi Zein aitya Amaini Tsitsi zvikuru. Aiedza nepese paanogona napo kuti asaite chinhu chinotsamwisa Amainini Tsitsi.

“E-e”, Sifiso akagadzirisa izwi vasati vatanga kutaura. “Mangwana ndichadzokera kuVictoria Falls. Asi ndinenge ndichidzoka kuzokuonai kuti munofara here pese pandinenge ndawana mukana”.

Moyo waZein wakambomira nekuvhunduka zvataurwa naSifiso.
‘Ha-a apa ndapera manje naMainini Tsitsi kana Babamunini Sifiso vakadzokera kuVictoria Falls.’ Pfungwa dzaZein dzakamhanya kufunga maziso ake achitota mbichana-mbichana.

Zuva raitevera, Sifiso akagadzirira kuenda kuVisctoria Falls. Akapa mwana wega wega $50 ndokubva atyaira motokari kuenda kuVictoria Falls.

Zein akaenda akanogara ega panze. Akatanga kufunga kuti upenyu huchazova chii pasina Babamunini Sifiso.

“Zein, mhamha vari kukushevedza”, Jack akadaro, ndokubva aenda.

Hana yaZein yakarova. Muviri ukatanga kudedera achipinda mumba kuenda kunaAmainini Tsitsi.

End of Chitsauko 16. Read the next episode, Chitsauko 17 here now.

Grab your Misodzi ebook here!

Join our group Trending Zimbabwe Novels/Mabhuku

Like/ Follow my page Kelvin Jasi Stories

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!