Misodzi: Chitsauko 3

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 3

Mainini Tsitsi vakamira pamusiwo vachinetseka kuti mandiro mapfumbamwe aputsika sei pamwe chete. Maziso avo aioneka kuzara nehasha. Vachifemera pamusoro kunge mombe yadzipwa nechitirobho. Mukati mavo vachiita kuvira kunge sekachaso.

Zein achichema akatanga kunhonga magirazi. Jack akamhanya kubuda mukicheni achitya kurohwa naamai vake. Zein akatarisa meso amainini Tsitsi akanzwa kupindwa nechando. Aaita kamuteuro kunaMwari, ‘Ishe, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu’. Muchinyararire akaita munamato uyu atogamuchira kuti ndiwo munamato wake wekupedzisira panyika asati aenda kuDenga.

“Ndiregereiwo Mainini Tsitsi”, Zein akachema akabata mandiro mapenga emagirazi emandiro.

Mainini Tsitsi vakatarisa-tarisa kuti vangawanei chekurovesa Zein asi havana kuona chavaida chaicho. Vakabvutira Zein chibega chendiro chegirazi ndiye pwa-a mumusoro make. Ropa rakajuja kubva panhova richidzika nemumatama richinosangana pachirebvu risati radzika kunodenhera pachipfuva.

“Jesu kani! Mai-ni-ni Tsii-tsii”. Zein akabongomora mhere yaivharira kwese.

“Chero Jesu haambokudziviriri pano. Saka nekuti handina kukupa chikafu changu ndiko saka wapwanya mandiro angu, handiti? Nhasi ndichakuratidza mhiripiri mupfanha. Handikuvhariri chete asi ndichakuuraya nemaoko angu aya, chimwana chisina basa! Ndiri kushaya kuti ndakagakuchirirei pakutanga”, Maninni vakaruma muromo vapedza kupopota.

“Ndapota Manini, handisi ndaputsa ndiro dzenyu, ndiJack mwana wenyu. Ndamuudza kuti asiye ndisuke ndega asi haana kunditeerera”, Zein akatsanangura misodzi neropa zvachakwatisa huso hwese.

Mainini Tsitsi vakamutarisa neziso reshumba. “Jack upi? Ndatuma Jack kuti asuke mandiro here iana kuti ndatuma iwewe? Saka wave kuda kupomera mwana wangu manje, he-e? Kabenzi kemwana, uya pano!” Vakapopota vakamutarisa neziso dzvuku.

“Handina kuputsa ndiro dzenyu Mainini”, Zein akaedza kuti vanzwisise.

“Ndati huya pano!” Vakadanidzira. Zein akaita nhanho shoma achienda kunaMainini Tsitsi vachibva vamuridza nembama kumeso. “Ndikasakudzidzisa seizvi, haungazivi. Ndiko saka vabereki vako vakakusiya uchitambura mumaoko etwuchembere twufuza twuviri twuya kumusha uko. Kana zviri izvo zvawaiita kumusha izvi, kuno kutaundi handikuregereri uchiita zvakadaro, hazviite zvachose, kwete mumba mangu. Bvisa magirazi ose ari pasi aya ndisati ndakuranga nawo zvekare”, Mainini Tsitsi vakapopota vasati vabuda mukicheni.

Musoro waZein wainge wopisa, ropa richiyerera richinosanga nemadzihwa pamwe nemisodzi. Akanhonga magirazi ose akatsvaira kicheni yose nekukura kwayo ikasara yachena kuti weke.

Zein akanogara panze achifunga nezveupenyu hwake. Akatondera zvaakamboudza Sekuru asati auya kudhorobha. Akati, “Sekuru, handidi kukusiyai. Ndinoda kuva nemi upenyu hwangu hwose kuruwa kuno, uye handidi kugara nemunhu wandisingazivi nezvake. Ndine makore mana chete, ndichiri mudiki. Kana musingachadi kuti ndigare nemi, munondiendesa kune vabereki vangu. Ndinozviziva kuti havambondidzingi, vanondigamuchira nemufaro”.

Ipapo misodzi yakatanga kuyerera mumaziso ake, akabatwa moyo nemashoko ake. Sekuru vakamutarisa mumeso vakati, “mwanangu, tinozviziva kuti uchiri mwana mudiki kuti uve mumaoko emunhu wausina kujaira. Asi pane chinhu chandinoda kukutaurira, Mainini Tsitsi havasi mutorwa kwauri, ndimainini, munin’ina waamai vako. Vachakuchengeta semwana waMambo uye vaida kuti uuye kwavari kubva kare. Hatisi kukuendesa nekuti hatichakudi pano, kwete, tine hrudo newe kwazvo. Chokwadi chiripo ndechekuti isu hatina mari yekuti uende kuchikoro, unozviziva kuti kunyangwe chikafu chaicho chinotinetsa kuwana pano. Usatye zvako, hurumende paichabhadhara ma-allowance angu ndichauya kuzokutora kwaunenge uri”, Sekuru vakataura vachiita sevanoda kuchema. Izvi zvakapa Zein chivimbo chekuti Sekuru vari kurevesa.

Kuita seasina vamwe pedyo, Zein aive akagara panze oga achingochema. Ropa nemisodzi zvaive zvakanyora mitsara mumusoro nekumeso kwake.

Katarina akasvika akati, “usachema. Mhamha ndizvo zvavari. Jack anditaurira zvose kuti hausi waputsa ndiro dziya. Ko, waregererei kuvatsanangurira kuti hausi wadziputsa?” Akabvunza ane hanya chose, achiratidza kumunzwira ngoni.

“Ndavataurira zvako ufunge, asi havana kunditeerera”, Zein akapindura achipfikura.

Katarina akapinda mumba akadzoka nemvura inopisa netawuru, akatova Zein mumusoro. Ari pakati pekutova zvishoma nezvishoma, Zein naKatarina vakanzwa mhere ichibva mukicheni. Katarina akakanda tawuru pasi akamhanyira mukicheni kuti aone kuti chaitikamo.

Semwanawo, Zein akatevera achida kuonawo chakonzera mhere mukicheni. Vachisvikamo, tsoka yaJack yaive yatsvuka neropa. Akatsika pitsi yegirazi rendiro yakaputsika akachekwa. Jack aichema nemhere yaibaya nzeve kunge mucheche.

END OF CHITSAUKO 3. Read the next episode, Chitsauko 4 here.

Follow my page Kelvin Jasi Stories for more stories and real-time updates.

The full version is available, get it here.

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!