Misodzi: Chitsauko 22

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 22/22 (Final)

Panguva yavakanongedza Mr Smith, Zein akanzwa kusemwa uye kusadiwa. Akanzwa sekuti munhu ari maari anyungudika.

“Baba vako zvavakandiita zvakapotsa zvandiuraya mwanangu. Pekutanga ndakafunga kuti varume vese ndizvo zvavari, kusvikira ndazowana William murume wangu. Akauya muupenyu hwangu akandipa chikonzero chekuti ndinyemwerere zve”, Amai Zein vakataura vachisvimha misodzi.

Zein anga asiri kuteerera zvaitaurwa naamai vake, asi aivanzwira kurwadza. Aifunga kuti: ‘sei baba vangu, baba vangu chaivo veropa vandaita makore gumi nemana anoraudzira ndisina kuona vondiramba pamberi pemudzimai wavo nevana vavo?’.

“Zvinhu zvese zvakanaka here apo?” Mr Smith vakabvunza vachienda paive naMai Zein naZein. “Isabel, uri kuchemei?”

Ndiko kaive kekutanga kuti Zein anzwe zita raamai vake upenyu hwese.

Zein akatarisa Mr Smith mumaziso. Akaona vane maziso akafana neake e-brown. ‘Sekuru vaitaura chokwadi pavaiti ndine maziso ane ruvara rumwe chete nababa vangu’.

“Handina dambudziko Smith”, Mai Zein vakapindura.
Mr Smith vakaona chiso chaZein, ndokubva vashaiwa zvekutaura.

“Ndingataure newe parutivi here kweminiti imwe, ndapota?” Mr Smith vakakumbira vachidhonzera Mai Zein kuseri kwemota yavo.

Zein akatanga kunetseka kuti chii chavari kuda kukurukura vari vega iye asipo. Zvakamudya moyo nekuti Mr Smith vakamubata semutorwa.
Zein akazviudza kuti: ‘If my father could do that to me, hapana chikonzero chekuti ndivadane kuti baba’.

Zein akamira nguva inenge awa yose asi havana kudzoka. Akafunga kutsvaga zano rekuti azive zvaita kuti vatore nguva yakareba.

Zein ave kusvika pedyo nemotokari, akatanga kunzwa mahihihi. Akaswedera pedyo zvekuti nzeve dzinyatsonzwa zvakanaka. Akanzwa izwi raMr Smith.
“Isabel, ndinozviziva kuti ndakakukanganisira zvakanyanya. Asi ndiregererewo uende naZein. Hazviiti kuti agare mumba mangu. Haa, kwete iye zvino. Handizivi kuti mudzimai wangu nevana vanozvitora sei. Wanga usingafaniri kumuudza kuti ndini baba vake. Ndanga ndichida kuzomuudza ndega kana nguva yakwana”.
“Nguva yacho ichasvika riini? Ndiudze Smith, nguva yacho inokwana riini yekuti uudze mwana wako chokwadi? Mukomana uyu ashungurudzika zvakanyanya. Akura asina munhu waanoti amai pedyo”. Amai Zein vakadaro. “Pane kuti isu timutsvage, ndiye atitsvaga. Kana ndiwewo, zvononyadzisa sei? Hachisi chikonzero chakazvikwanira here kuti umugamuchire semwanakomana wako? Oo!! Hauzive kurwadza kunoita kukura usina vabereki”, Mai Zein vaipopota.
“Isabel, handizivi kuti uchazvifambisa sei asi chokwadi chiripo ndicho chekuti handikwanisi kuenda naye kumba kwangu”.

Zein paakanzwa baba vake vachitaura mashoko iwayo, akaenda kunogara pakatanhorera. Akatanga kuchema.

Mushure memaminitsi mashoma, Amai Zein vakasiya Mr Smith kuseri kwemotokari nehasha. Vakatora Zein vakapinda mu-restaurant vakamubata ruoko. Zein akagara akatarisa pasi. Mr Smith vakateverawo.
Mai Zein vavakuya nendiro yakazara chikafu vakaisa patafura paiva naZein vachinyemwerera.
“Ndinovimba kuti unoda chinhu chekuisa mudumbu. Ndagadzirira chikafu iwe”, Amai vazein vakataura nezwi rine mufaro.

Zein haana kupindura kana kutaura chinhu. Akaramba anyerere akatarira pasi.

“Kwakanaka here mwanangu?” Mai Zein vakabvuza vachimusimudza musoro. Meso ake ainge atota, misodzi ichiyerera ichidonhera pasi.
Mai Zein naMr Smith vakashamiswa nazvo uye vakashaiwa zvekutaura vakamutarisa.

“Ndiregerei Mhamha, handidi kukuremedzai mose”, Zein akataura achibva atanga kuchema. “Makaroorwa, uye Daddy vakaroora zvekare. Ndakatsamwira daddy nekuti vakandinyepera. Vakandiudza kuti ndibabamunini, ndikabvuma zvakavandiudza. Vakati vanonzi Uncle Smith ndikatanga kuvashevedzawo sekudaro. Chokwadi ndakaita masvondo matatu ndiri navo asi vakazvivanza. Ndakaita makore gumi nemana ndisina kuona baba vangu, ndichiti ndikazovaona vachandigamuchira nemaoko ane rudo. Asi nhasi ndazoona zvimwe. Handina kuuya kuzogara nemumwe wenyu, ndauya kuzoona vabereki vangu chete. Kuona vabereki vangu vananyakutumbura, ndiwo waiva munyengetero wangu chete. Ndakuonai mese. Ndinoda kukutendai nekundibereka, nekuti dai pasina imi ndingadai ndisipo”, Zein akadurura moyo wake achichema.

Uncle Smith vanove baba vaZein vakatura befu, vakapfugama vakabata Zein pabendekete vakati, “Ndiregererewo mwana wangu. Imhosva yangu yose. Ndakasiya amai vako panguva yavaindida zvikuru ndichienda nemumwe mukadzi. Ndakakunyepera kuti ndiri babamunini vako, Zein, ndini baba vako chaivo. Ndakazviona kuti uri mwana wangu panguva dzandikaona ruvara rwemaziso ako. Ndakaita zvandaifanira kuita kuti ndisakanganise runyararo rwemhuri yangu”.

Zein akasimudza musoro achivhunduka paakanzwa izwi rekuti runyararo. Mashoko ababa vake akamufungisa Amainini Tsitsi vaigara vachimupomera mhosva yekuvabira runyararo rwavo.

“Uncle Smith, ndinoda kuenda kunopedza upenyu hwangu ndichagara nasekuru naambuya vangu. Ndiyo yega nzvimbo yandinoziva kuti ndinowana rudo”, Zein akataura akavatarisa kumeso.
“Handisi Uncle vako”, Mr Smith vakadaro. “Ndiri baba vako”.
“Handiti makanditi hamusi baba vangu here, mukati muri Uncle, ndizvo zvatopinda mandiri. Mhamha ndivo vega mudzimai wandinodana kuti amai. Uncle Smith, ndinoda kuenda kunasekuru naambuya”.

Pakamboita runyararo, pasina anotaura.
“Sekuru vaiwanza kuti; vanhu vanonyepera vanhu vavanovenga inzira yavo yekuchengetedza vavanoda. Saka makandinyepera nekuti hamudi kurasikirwa neavo vamunoda nemoyo wese”, Zein akataura akatsamwa.

Amai Zein naMr Smith vakaedza kunyengetedza Zein kuti agare nemumwe wavo asi akatsika madziro achiti anoda kuenda kuna sekuru naambuya kumusha.
Akaendeswa kunogara ikoko. Kubva ipapo anogara naSekuru naambuya vake. Ndiko saka vamwe vachimuti Mwana waSekuru kana kuti mwana waAmbuya.

* * * * MAGUMO * * * *

Iyi haisi nyaya chete, asi kuti inyaya yeupenyu.

Pfungwa dzekubata:

Ungave une mwana ari kunze uko zvisiri kuzivikanwa nemurume kana mudzimai wako. Kana usingakwanise kubudira mumwe wako pachena, mudikani, tsvaga nguva yekuenda kunoona kuti mwana wako ari kurarama sei nguva nenguva. Huvepo hwako chete hwakakosha muupenyu hwemwana wako.
Tarira! Rudo rwemubereki ndirwo rwega rudo mwana rwaanodada narwo.

Ndinokutendai nekurava nganonyorwa iyi. Chivimbo changu kuti wadzidza chimwe chinhu kubva mairi.

Ndinoteda zvikuru!

Wenyu nyanduri,
Kelvin Jasi Stories.

See more fascinating ebooks and books the ‘read now’ books.

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!