Misodzi: Chitsauko 21

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 21 (Semi Final)

Hana yaZein yairova zvisina mukare akamboona. Pfungwa dzake dzakamhanya uko neuko, akavhiringika. Runhare rwaSister Itai rwakabva rwarira panguva idzodzo.

“Pamusoroi, ndave kumhanyira kubasa. Ndiri kudiwa zvakanyanya”, Sister vakataura vachimhanya-mhanya, vakasimuka kuti vaende.

Mr naMrs Smith vakashaya zvekutaura.
“Ndinoenda nemi Sister Itai”, Zein akataura achisimudza bhedi rake kuti avatevere.
“Kwete, wakasangunuka kusara nesu pano. Sister Itai vari kuenda kubasa saka haungavateveri, ungavanetsa kubasa. Tichaenda newe kuna amai vako mangwana, ivo vozoenda newe kuna baba vako, handiti ka?” Mrs Smith vakadaro ndokubva vatarisa murume wavo. Mr Smith vakatura befu vachigutsurira musoro kuratidza kubvumirama nezvataurwa nemudzimai wavo.

Sister Itai vakabuda mumba vachiita zvekunzunzutira, vainge vanonoka kudzokera kubasa. Vainge vazvipira kubatsira Zein kuti vaonewo nyemwerero pachiso chake asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Zein akagara pamba paMr Smith kwemavhiki matatu. Mr naMrs Smith vaiswera vachitsvaga kuna amai vaZein. Nguva yose iyoyo, Zein aibatwa semuyenzi. Vana vaMr Smith, Princess naEdwin vainyanya kuwirirana nevana vaMainini Tsitsi.

Mumwe musi Zein ainge ari panze achiyeverwa nekunaka kwakaita imba yaMr Smith; akanzwa vachimudana. Akakurumbidza kumhanya ku-sitting room, akawana vachitamba PES 2 computer game nevana vavo vaviri.

“Unoziva kutamba PES 2, handiti?” Mr Smith vakabvunza vachimutambidza computer pad.
“Handizivi kuti inotambwa sei, asi ndingafara chaizvo mukandidzidzisa”.
Mr Smith vakanyemwerera vakati, “Ediwn anokudzidzisa, anoigona zvikuru”.
Edwin akadzidzisa Zein kutamba PES 2 manheru iwayo akaigona. Kubva musi uyu, Zein inyanzvi pakutamba PES 2.

“Daddy, tave kuenda kunorara. Murare zvakanaka”, Princess naEdwin vakadaro, vakasimuka vakaenda kunozorora.

“Uncle Smith, ndiregererei nekukunetsai. Ndiri kuda kukubvunzai pamusoro pevabereki vangu, ndinovimba kuti hamuna basa nazvo”, Zein akakumbira achitya.
Mr Smith vakambonyarara kwekanguva vakatarisa Zein. “Hapana chakaipa, bvunza zvako”, vakapindura.
“Baba vangu vakaita sei? Vane nzeve sedzangu here? Vane maziso e-brown here? Ndiri kubvunza izvi nekuti pandaive nemakore matatu, Ambuya vakandiudza kuti baba vangu vane maziso e-brown seangu. Ndizvo here?”

Mr Smith vakaseka. “Unorangarira zvaukaudzwa naAmbuya vako une makore matatu une chokwadi here? Zvisinei, ngatisature nezvababa baba vako, ngatitaure pamusoro paamai vako”, vakapindura.
“Hapana chakaipa, chindiudzai nezva amai vangu”.
Mr Smith vakanyemwerera vakatarisa Zein mumaziso. “Amai vako mudzimai akanaka zvikuru. Une maziso amai vako chaiwo uye vachafara kukuona”.
“Saka vabereki vangu vanogara muno muHarare here? Kana vachigara muno handifungi kuti ndinovaregerera”, Zein akataura achizunguza musoro nechiso chakatsamwa.
“Zein haufaniri kutaura zvinhu zvakadaro. Unofanira kufara kuona amai vako”, Mr Smith vakapindura.
“Iyezvino chindiudzai nezvababa vangu. Mati muchandiudza kana tapedza kutaura pamusoro paamai vangu”, Zein akadaro.
“Chokwadi ndechekuti handizivi baba vako”, Mr Smith vakataura vachitarisa mudzimai wavo. “Asi ndinovimba kuti amai vako vachakuratidza baba vako pauchavaona. Ugadzirire, mangwana mangwanani ndichakuperekedz kwavari”.
Zein akavhundukira achiti, “ndave kuzoona amai vangu manje”.

Musi waitevera, Mr Smith vakaenda naZein pane imwe restaurant hombe nemotokari.
“Restaurant iyi ndeya amai vako”, Mr Smith vakadaro.
“Restaurant yaamai vangu?” Zein akabvunza achishamisika. “Varipi? Ndinoda kuvaona”, akataura nemufaro.

Mr Smith naZein vainge vakamira panze mangwanani iwayo, ndokubva pasvika mudzimai mutsvuku achityaira motokari chena. Akaburuka mumotokari akabata mwana mucheche, mumwe mwana achitevera kumashure.

“Ndivo amai vako avo”, Mr Smith vakaudza Zein.
Mudzimai uya akashamisika kuona Mr Smith pa-restaurant yake. Akaenda kwaive kwakamira Mr Smith naZein.

“Uri kuda chii kwandiri?” Mudzimai akabvunza.
“Handina kuuya kuzoita hondo, ndauya kuzokusiira mwanakomana wako uyu”, Mr Smith vakadaro. Mudzimai uya akakatyamadzwa zvikuru.

“Mwanakomana wangu?” Mudzimai akabvunza akatarisa Zein mumaziso. “Oh my God, uya pano”, akaudza Zein. “Waive negore rimwe chete pandikakusiya”.

Moyo waZein wakachema nemufaro paanguva dzaakambundirwa naamai vake. Akanzwa rudo rwaamai kekutanga pamakore gumi nemana aanga ave nawo.

‘Amai vangu vakanaka uye chokwadi vane maziso seangu.’ Zein aifunga achinyemwerera.
Mr Smith vakaenda kunodavira nhare pedyo nemotokari yavo.

“Asi mhamha, sei makandisiya mukarega kudzoka kwandiri? Ndanga ndiri mumoto kubva zvandikatsika mumba maMainini Tsitsi”, Zein akataura zvaisuwisa achiyangamara misodzi mumaziso.
“Haisi mhosva yangu mwanangu”, vakapindura nemisodzi mumaziso avo.
“Chirudzii, imhosva yababa vangu here?” Zein akabvunza.
“Kwakati kwasara svondo imwe chete kuti tichate, ini nababa vako”, Amai vaZein vakatanga kurondedzera. “Ndakaona kuti ndave nepamuviri, asi pandikaudza baba vako vakaparamba. Muchato wedu wakabva wakanzurwa. Muchato ndainge ndakautarisira zvikuru. Ndakanyara, vanhu vese vakanditi ndiri hure nekuda kwababa vako. Ndainge ndisingazivi kuti baba vako vari kudanana nemumwe musikana”, vakatura befu hombe misodzi ichiyerera, vakaenderera mberi.
“Ndainge ndisina kwekupotera. Vabereki vangu vose vakafa. Ndakaberekwa ndiri zai regondo. Baba vako ndiye ega munhu wandaive naye”, vakakosora vachiyeredza misodzi.
“Ko Amainini Tsitsi? Ndakaudzwa kuti munin’ina wenyu”, Zein akabvunza.
“Hatina kuberekwa pamwe chete, asi kuti tinobva kudunhu rimwe chete. Sezvandiri kutaura, ndakakuberekera kumba kwasekuru vako. Ndakubereka, baba vako vakatumira kadhi remuchato vachindikoka kumuchato wavo nemumwe mudzimai. Mwanangu ndikuudze, ndakachema semwana mucheche. Ndakagara naSekuru naAmbuya vako kwegore. Ndakazobva nekuti baba vako vainge vasingakude kana ini pedyo nekuti vainge varoora. Saka ndakaenda kunotsvaga basa kuChegutu ndikakusiya nasekuru naambuya vako. Ndakawana basa muhotera, ndiko kwandikadzidza zvekubika-bika izvi”. Vakambomira vachipukuta misodzi uye kufura dzihwa.

“Sei musina kuzodzoka kuzondionawo?” Zein akabvunza.
“Ndakakudzokera, asi baba vako vakaudza vabereki vavo kuti vasandibvumire kukuona. Saka ndakabva ndazouya kuno kuHarare ndikavhura restaurant”.

Zein akakotamisa musoro pasi, misodzi ichiyerera pasi.
“Baba vangu ndiani? Endai neni kwavari, ndinoda kuvaona”, Zein akataura achisvimha misodzi.
“Ava baba vako”, Amai vaZein vakanongedza Mr Smith.

Like/Follow my Facebook page Kelvin Jasi Stories.

Misodzi ebook is available, here.

Join our group Trending Zimbabwe Novels/Mabhuku.

END OF 21. Read the final episode, Chitsauko 22 here now.
#shonanovels

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!