Misodzi: Chitsauko 19

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 19

Achiri mumota maSister Itai, Zein akatarisa imba yavainongedza. Yaiva hombe nezigedhi dema rihombe namaruva kunze akanakisa zvikuru. Nemufaro, akanyemwerera.

Sister Itai muri kurevesa kuti ndiyo imba yevabereki vangu chaivo? Oh my God! Ndave kunzwa kuda kutipindamo ndobva ndashevedzera kuti Mhamha naBaba ndauya kuma! Sezvinoitwa naJack kuna baba vake kumba kwavo”.
Sister Itai vakaseka. “Usandinakidze iwe Zein. Enda unogogodza pagedhi uvhurirwe. Ndinenge ndakakumirira pano kusvikira wagamuchirwa ndisati ndaenda”.

“Ndinokutendai Sister Itai, muri mukoti anokunda vose pasi rose. Mwari ngavakuropafadzei pazvese.”

Zein ave kuda kugogodza gedhi akarangarira chimwe chinhu. Akadzokera kunaSister Itai akabvunza kuti, “Ndapota musatsamwe, ndiri kuda kungobvunza mubvunzo mumwe chete.
Vakamutarisa vachinyemwerera vakati, “bvunza zvako”.
Zein akatura befu ndokubva ati, “vabereki vangu vave nenguva yakareba here vari muno muHarare? Kana vanga vari muno kwenguva yese iyi, sei vasina kunditsvaga? Kufunga kwenyu vanoda kundiona here?”

Mibvunzo yese iyi yakavhiringa Sister Itai. Zein akavatarisa kumeso akaona kuti vakangwa mate mukanwa. Vakatora maminitsi akati kuti vasati vapindura.

“Handinyatsozivi kuti vabereki vako vanga vari muno muHarare nguva yakareba zvakadini. Amainini Tsitsi ndivo vakandinongedzera imba iyi vachiti ndipo panogara vabereki vako. Ini handizivi.”
Zein akatarisa Sister Itai akati, “ndinovimba kuti vachandigamuchira”.
Sister Itai vakagutsurira musoro, havana kutaura chinhu.

Zein akatendeuka ave kuenda ndokubva anzwa Sister Itai vachiti, “namata Zein, namata”.
Zvakamunetsa kuti Sister Itai vari kumuti anamate sei ivo vasingatendi kuti kunaMwari.

“Uri kushamisika kuti ndati ndati namata?” Sister Itai vakabvunza nyemwerero yavo ichibuditsa meno machena-chena.
“Chokwadi ndashamisika Sister Itai”, Zein akapindura achisekerera.
“Mira ndikutaurire zvakaitika. Ndiri kurangarira ndichikuudza kuti hakuna Mwari makore apfuura, asi ndaisaziva. Makore masere apfuura”, vakatanga kurondedzera. “Amai vangu vangu vairwara, ndichiri kuziva kuti ndipo pakabuditswa Babaminini vako Sifiso. Ndinorangarira ndichikuudza kuti ndivo vega vandiri navo muupenyu hwangu panyika pano. Ndaisatenda kuti kuna Mwari. Mari yangu yese yandaive ndakachengeta yakaperera pavari, ndaishanda nesimba asi mari yese yaipera nekuvatengera mishonga. Pane pandikambofunga kuti ndivabaye jekiseni rekuti vafe zvavo nekuti doctor vainge vandiudza kuti vachafa manje manje”. Sister Itai vakambomira kutaura vachipukuta msodzi.

Vakaenderera mberi. “Ndakadzungaira kushaiwa kuti ndodii, ndikaisa Mwari pamuyedzo nekuti kumashure kwese vaindirasisa. Muupfupi, ndakanamata ndikatsanya kwesvondo rese kuti amai vapore. Mumwe musi ndiri kumba, ndakatambira runhare kubva kuchipatara zvikanzi amai vako vabepura. Kutaura kwandiri kuita, amai vangu vatano uye vakagwinya. Kubva ipapo, ndinotenda kuti Mwari vapenyu.”

Sister Itai vapedza kutaura nyaya yavo, kumeso kwainge kwati chakwata kutota nemisodzi. Vakatora tawuru vakatanga kupukuta misodzi.
“Musachema Sister Itai. Mwari vakanaka uye havakanganwi vana vavo”, Zein akadaro achitadza kumisa yakewo misodzi.

“Handei pamba pababa vako. Rega ndikuperekedze”, Sister Itai vakataura vachibuda mumotokari mavo.

Zein akatevera Sister Itai kugedhi. Vakagogodza pagedhi pakabuda mudzimai wechidiki munaku, ane bvudzi refu raiyerera kusvika muchiuno.
“Mangwanani akanaka amai”, Sister Itai vakamhoresa mudzimai uya.
“Mangwanani akanaka. Muri kutsvaga ani?” Mudzimai uya akabvunza.
“Tiri kuda kuona Mr Smith, anozivikanwa nekuti Jonasi”, sister Itai vakapindura.
“Hoo, ndinovimba kuti kwakanaka”.
“Chokwadi, kwakanaka zvikuru”, Sister Itai vakapindura.

Pakabva pabuda vana vaviri, mukomana nemusikana. “Mhamha tiri kuenda kuchitora kwaUncle Chamu.” Musikana mudiki akataura.
“Dzoka pano Princess, bata hanzvadzi yako Edwin mudzokere mumba”, mudzimai uya akavhumbura vana vaya.
Vana vakadzokera mumba mudiki wacho Edwin achichema.

“Ndine urombo neruzha rwevana. Pindai mumba”.
Siter Itai naZein vakapinda mumba. Vakaona motokari dzaive dzakamira pese pese. Imba yacho yaive yemuturikidzanwa.

‘Saka vabereki vangu vakapfuma? Sei vasina kunditorawo, kuti nditambure? Saka vanombondiregerei ndichitambura? Amainini Tsitsi vangave vachitaura chokwadi here pavanoti vaberei vangu havandidi?’ Mibvunzo yairamba ichinaya mupfungwa dzaZein. Akatarisa zimba kukura nekunaka kwaro, akatendera misodzi kuyerera mumaziso ake.

“Sister Itai, ndivo amai vangu here ava? Vakatsvinda and ndiri kuona kuti ndivo vane mhino yangu chaiyo”, Zein akazevezera.
“Nyarara Zein. Handizivi vabereki vako. Handisati ndambovaona saka handizivi kana vari ivo amai vako kana kwete. Uri kuchemei”. Sister Itai vakabvunza asi Zein haana kupindura.

Mudzimai uya akavatungamirira ku-sitting room, Sister Itai naZein vakagara pasofa.
“Daddy vane TV flat screen hombe ne-computaer game”, Zein akashevedzera achivhundukira.
“Shut up, Zein!” Sister Itai vakamuvhumbura.

Panguva iyoyo, mumwe murume wechidiki ane ndebvu akabuda mune imwe kamuri akagara pasofa.
“Mangwanani akanaka baba”, Sister Itai naZein vakavamhoresa.
“Mangwanani vatete, Ndingakubatsirai nei? Muzimai wangu anditaurira kuti pane mudzimai ane mwanakomana wake downstairs ari kuda undiona”.
Zein akatarisa Sister Itai nemeso ane mubvuzno. Sister Itai vakanyemwerera.

“Mudiwa, perekedza vana kuchikoro”, murume uya akashevedzera kumudzimai wake.
Mudzimai wechidiki uya akadzika ku-downstairs nevana vaviri, ndokubva abuda achiperekedza vana kuchikoro.

“Ndine urombo, ndanga ndichiti mudzimai wangu abude nevana. Taurai tinzwe, mati ndingakuitirei?” Murume uya akabvunza.
“Baba, handizivi kuti ndinokuudzai sei kuti mukomana akagara apa uyu mwanakomama wenyu”.
Murume akapwatika kuseka, ndokubva ati, “mudzimai iwe wakakwana here? Chirudzii? Chinhu ichi hachingambovi mwanakomana wangu. Haana kutombofanana neni, aiwa, aiwa muri kutamba neni handiti?”

‘Ndanga ndati ndawanawo baba’. Zein akazunguza musoro achifunga.
Zein akasimuka akatarisa murume uya mumaziso, misodzi ikayerera nematama.

END OF CHAPTER 19. Read the next episode, Chitsauko 20 now. #shonanovels

Misodzi ebook is available here. Get it Now!

Follow | React | Share | Comment | Kelvin Jasi Stories

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!