Misodzi: Chitsauko 17

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 17

Kudana kwaMainini Tsitsi kwakavhiringa ndandariro dzaZein zvikuru. Kutya kwamupa kudedera muhana. ‘Pane chakanaka here apa?’ Kazvibaya nemubvunzo apo ichibika manhanga.
Akapinda mumba kuti adavire Amainini Tsitsi vaaudzwa kuti vamushevedza. Akavawana vakagara kurudyi kwe-sitting room pasofa vakabata TV remote.

“Mandisheveza here Amainini?” Zein akabvunza achitya.
Mainini Tsitsi vakamukanda ziso vakaenderera mberi nekuchinja ma-channel epaTV. Havana kutaura chinhu. Zein haana kutaura chimwe chinhu zve, akaramba akanyarara amire pamberi pavo.
Mainini Tsitsi vakawana channel yevaida yemafirimu emaIndia vakaramba venyerere zvakare. Vakatanga kuona firimu.

Zein akafunga kuti, ‘ndinofunga kuti havan kundishevedza ava’. Akatendeuka akatanga kufamba achienda kunovhura gonhi rinobuda nekuseri. Nguva dzaakabata gonhi akagamuchidzwa mbama padama. Asati anzwisisa kuti chii chiiri kuitika uye ndiani amurova, akamharwa neimwe mbama yepiri pamhanza.
“Jesu!” Akazhamba, akatanga kuchema.
“Hoo… iwe… wakura nyanga mumusoro mako ka zvekuti wave kutofunga kuti unongofamba kubva pandiri ini ndakushevedza, handiti?” Mainini Tsitsi vakadaro vachidhonza nzeve yaZein sevanoda kuidzura.
Zein akakwetsura mhere nemarwadzo.
“Nyarara chiromo chako chakashata icho ndisati ndakubatsira kuchiranyararidza”, Mainini Tsitsi vakataura nezwi riri pamusoro rine simba.

Zein akamira kuchema asi haana kukwanisa kumira kuburitsa misodzi. Hana yake yairova kunge ichatsemura nechipfuva. Akatanga kufemera pamusoro.

Zein akatanga kuzarirwa nemibvunzo mupfungwa dzake: ‘Saka ndave kuchema zve ndave nemakore 13 here? Ko zvandaiti tagadzirisana, tave kurarama semhuri imwe murudo? Ko zvabva nekupi izvi mushure memakore mapfumbamwe?’

“Unofunga kuti unganditonge mumba mangu kuti uri murume wangu here iwewe? Kwete. Murume wangu haasi kudzoka nekukurumbidza saka tichange tiri tese mumba muno”, Mainini Tsitsi vaitaura nehasha.

‘Mwari wangu, ndinoziva kuti muriko kudenga uko muri kuona. Ndapota, musandirega ndichifira mumaoko aMainini Tsitsi. Kana zviri izvo, nditenderei nditange ndaonawo vaberekindisati ndafuka rangu ndega’, Zein akanamata chinyararire.

“Enda kuseri kwemba unosakura uswa. Ndinoda kuti kuseri kwemba ikoko kuchene kunge mumba”, Mainini Tsitsi vakaraira.

Zein akabva pana Mainini Tsitsi akabata dama rainge rave kupisa. Akaenda kuseri kwemba akatanga kusakura. Uswa hwaive hwakura uye hwainetsa nekuti waiva uswa hwetsangadzi. Akashanda kusvika na7:15PM manheru.
‘Apa ndasvika pakati, kwasara kupedzisa imwe ndima ndobva ndatsvaira, ha-a basa ndinenge ndapedza. Mangwana kana ndadzoka kubva kuchikoro, ndinopapedza’. Izvi aifunga zvake Zein, ndokubva akotoka akaenda kunogeza.

Akaenda ku-sitting room asi Amainini Tsitsi vainge vasimo.
‘Ndoenda kunovaudza here kuti handina kupedza kusakura, ndinozopedzisa mangwana?’ Mubvunzo wakauya mupfungwa dzaZein.

“Zein, watopedza kare? Enda ku-dining room, unoona chikafu chako ikoko”, Katarina akadaro achipushira chipunu chine mupunga nenyama mumukanwa.

Zein akaenda mu-dining room asi haana kuona ndiro ine chikafu patafura. Akotama akatarisa pasi petafura, zvekare painge pasina chikafu.
“Handisi kuona chikafu pa-dining table”, Zein akadanidzira ari mu-dining room.
“Hee?” Katarina akashevedzera achishamisika. Akauya ku-dining room asi, haana kuwana chikafu. “Jack ari kupi?” Akabvunza achibva pa-dining table.

“Watora chikafu chaZein changa chiri patafura here”, Katarina akabvunza sisi vake Mary.
“Aiwa handina. Ndingaitirei zvakadaro?” Mary akaramba
“Kana usiri iwe wachitora, saka ndiJack” Katarina akadaro achishevedza Jack.

Panguva iyoyo, Mainini Tsitsi vakabuda mukamuri yavo, vainge vachangopedza kugeza.
“Sei uri kudana Jack nguva ino? Hausi kuona kuti kwadoka here?” Mainini vakavhumbura Katarina.
“Hatisi kuona chikafu chaZein. Saka ndiri kufungira kuti ndiJack achitora”, Mary akapindura.

Amanini Tsitsi vakatarisa Zein vakaridza tsamwa. “Wapedza kusakura zvandakuudza here?”

Zein asati apindura, Jack akabva apinda.
“Chikafu chaZein chiri kupi?” Katarina akabvunza.
“A-a changa chiri chaZein here chikafu chiya? Ndafunga kuti adya kudhara ini”, Jack akapindura.
Katarina akafamba kuenda panaJack ndokubva amukwatsura nembama padama.

Katarina wakakwana here? Chii chiri kunetsa?” Amainini Tsitsi vakapopota vachimudhonzera kure naJack. “Ukangosimudza ruoko rwako futi uchimurova uchandiona”.
“Asi a…”
“Usandiudze ma-asi, ihanzvadzi yako uyu saka unofanira kumubata sekudaro”.

Zein akaona kuti hapana zvekuita nekuti chikafu chake chainge chadyiwa naJack. Akaenda kukamuri yake akazvambarara pamubhedha nemanhede. Musi iwoyo akarara nenzara.
Mangwanani acho akamuka akatsvaira ruvanze rwose, akadiridza maruva, akasuka mota yaAmainini Tsitsi asati agadzirira kuenda kuchikoro.

Apedza kugadzirira kuenda kuenda kuchikoro, Zein akaenda ku-dining table semazuva ose. Akagara nebhegi rake rechikoro riri kumusana. Amainini Tsitsi vakabva kukicheni nekudya kwemangwanani.

“Mangwanani akanaka Mainini Tsitsi”, Zein akavamhoresa achitya. Havana kupindura asi vakamukanda ziso kwekanguva vasati vataura chinhu.
Wasuka mota yangu here?”
“Hongu Amainini”.
“Wadiridza maruva?”
Hongu mainini”.
“Watsvaira ruvanze?”
“Hongu mainini, ndatsvaira”, Zein akapindura zve.
“Ndinovimba kuti wapedza kusakura kuseri kwemba sezvandikakuudza nezuro, handiti?” Amainini vakabvunza zve vachipakura bota mumandiro aive patafura.
Hana yaZein yakatanga kurova. Akavatarisa achitya.

Like my page Kelvin Jasi Stories and Join the Facebook group, Trending Zimbabwe Novels/Mabhuku.

END OF 17. Read the next episode, Chitsauko 18 here, now.

Grab your Misodzi ebook (PDF) here, now!

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!