Misodzi: Chitsauko 15

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 15

Manheru iwayo Zein akasvika kumba naKatarina. Zein aive aziya nenzara uye kuneta nekuti anga asina kudya chinhu panguva yose yaaiva kuchipatara. Akamira pamashure pemotokari yaSifiso yaive yakamiswa kuseri kwemba, akatanga kunamata zvekunamata zviya kuti mwari vadzose upenyu neutano hwaSifiso.

Kwapera nguva, Zein akazopinda mumba akananga pa-picture frame yaive nemufananidzo waSifiso yakaturikwa kumadziro. Akaiyeva kwekanguva. Pedyo nayo, paiva ne-wall hanger yaJesu.

“Mazviita Ishe Jesu nezvese zvamunotiitira muupenyu hwedu”, Zein akataura achidaudzirisa apo achiyeredza misodzi.

“A-a zvakaoma chokwadi”, Mary akaputika kuseka.
Zein anga asina kuziva kuti Mary aive kumashure kwake akagara pacheya achiverenga nganonyorwa yakabikwa nemunyori wemukurumbira, Kelvin Jasi.
Zein akavhunduka.
“Ndizvo chete zvaunogona kuita. Kunamata chipikicha ichocho chisingataure kana kunzwa”, Mary aitaura achiminyura miromo uye achiombera maoko mumhepo.
Zein akatendeuka akatarisa kwaiva naMary. “Manheru akanaka sisi Mary”. Akamumhoresa achipukuta musodzi nehembe.

Jack akabva apinda nguva iyoyo.
“Sisi Mary, mamurova here Zein?” Akabvunza. Katarina akabva apindawo panguva iyoyo akabata ndiro ine mupunga nenyama. Nyama yaitamba pamusoro pemupunga yainhuwirira zvikuru ikapa Zein kumedzera mate. Nzara yakabva yawedzera kumuruma ipapo.

“Kwete, handina kumurova. Anga akatarisa mufananidzo waJesu, akatanga kuchema”, Mary akapindura.
“Sisi Katarina vakandiudza kuti munamato waZein ndiwo wamutsa baba kubva kuvakafa. Ichokwadi here?” Jack akabvunza.

Panguva iyoyo, Zein aive asina kunyatoteerera zvavaitaura nekuti nzara yaive yanyatsomubata zvekuti mudumbu make mainge mongorira.
Zein akaenda pana Katarina akamira pamberi pake akatarira chikafu chaiva mundiro make. Katarina akatarisawo Zein achiratidza kushamisika.
“Uri kutarisei?” Katarina akabvuza achiita zvekuvhumbura. “Handizvidi zvekuti kana ndichidya mumwe munhu obva amira pamashure kana pamberi pangu. Saka ndapota ibva apa kana usina zvekutaura”.
Zein akatura befu. “Ndiri kuda kuudza kuti ndine nzara”, akapindura achikakama.
Katarina akamutarisa kwekanguva asina kutaura chinhu. Zein aive akangomira parutivi avhunduka uye hana ichirova.
“Uya tidye tose”. Katarina akapindura achinyemwerera.

‘Ati ndiuye ndidye naye? Tinodya pamwe mundiro imwe chete here?’ Zein akafunga izvi achifara.

Zein akamhanya kukicheni akatora chipunu. Akadzoka akamira achivhiringika kuti oita sei akabata chipunu chake mumaoko.

“Aizve, ko hausi kudya sei?” Katarina akabvunza.
Panguva iyoyo Zein akabva akatokambura nekchipunu akatanga kudya naKatarina.

Kubva Zein zvaakauya pamba paAmainini Tsitsi ainge asati ambodya mundiro imwe nemumwe munhu. Vaimubata sembwa achinzi anodyira kusina vamwe kunge imbwa.

“Sisi katarina muri kudya naZein? Makanganwa zvatikaudzwa namhamha here? Muri kudya nemuroyi, manje manje achakuuraya sezvaairongera baba asi akakundikana”, Jack akadaro.
Zein akaisa chipunu patafura, akatendeuka akatarisa kuna Jack.

“Handibvumirane nezvakataurwa namhamha pamusoro paZein. Sisiter Itai vakati Mwari wake ndivo vakabeputsa baba. Saka ndinoziva kuti Zein haasi muroyi”. Katarina aitaura achizunguza musoro uye nezwi riri pamusoro.

Mary akazunza mapendekete achitura befu. Akatora bhuku renganonyorwa akafamba chienda kumusiwo.

“Zein muroyi. Handibvumirane nezvauri kutaura Katarina. Uye mhamha havangatinyeperi. Munhu mukuru haanyepi. Vakati aida kuuraya vabereki vake ndokubva vatiza vakamusiya ega”, Jack akaenderera mberi.
“Vhara muromo wako Jack”, Katarina akaita hasha.

Zein akatanga kusvhimha misodzi achinzwa Jack achitaura, mashoko ake akamubaya pamoyo. Zvishoma nezvishoma, akatarisa pasi, misodzi ichidonhera pasi.

Zein akasimuka akaenda kukamuri kwake. Nzara yakabva yapera akatadza kudya chikafu chaizipa zvikuru.

Mangwana acho, vainge vakagara mu-sitting room vachiona mafirimu paKwese TV. Nhare yaKatarina yakarira. Vose vakamutarisa nekuti yakaririsa.

“Mangwanani akanaka mhamha”, Katarina akamhoresa.
Zein akabva aziva kuti ndiMainini Tsitsi vamuridzira runhare. Katarina akakurumbidza kuisa phone pa-loud speaker nekuti aimanikidzira kuisa nzeve yake parunhare achida kunzwawo.

“Katarina, Katarina, Katarina”, Mainini Tsitsi vakadanidzira zita rake katatu. Zein akanetseka kuti seiko amai vake vachishevedza zita rake kakawanda kudaro.
“Ndakushevedza kangani?” Mainini Tsitsi vakabvunza.

Katarina akavhura maziso achishamisika kuti chii chanetsa. Haana kupindura.
“Uri mbeveve here? Hausi kundinzwa here?” Amainini Tsitsi vakamuvhumbura parunhare.
“Mhamha, katatu. Ndadavira inga wani, ndinofunga kuti hamuna kundinzwa chete”, Katarina akapindura achipa chiratidzo neruoko.
“Wagona. Ndaudzwa kuti iwe wanga uchidya chikafu mundiro imwe chete nemukomana uyo muroyi aida kutora upenyu hwababa vako. Ndakakuyambira kuti usatamba naye asi iwe haunzwe. Zvisinei. Ini nababa vako tichauya kumba kuswera mangwana. Uyo muroyi uyo, ndiri kumuvinga, anoda kupedza mhuri yangu sezvaakaedza asi haana kubudirira”, Mainini Tsitsi zvainzwika kuti vakatsamwa ndokubva vadambura runhare.

“Ndakuudza kuti Zein muroyi asi wazviramba, manje wazvinzwira ka”, Jack akataura akasimudza maoko maviri mudenga.
“Ndiri kuzviziva kuti ndiwe wavaudza kuti ndadya chiafu naZein. Hausi iwe here?” Katarina akataura nehasha ndokubva akwatura Jack nembama padama.

“Chokwadi ungarove mwana nemaoko ako nekuda kwamuroyi?” Mary akavhumbura Katarina. “Inzwa ka, haasi iye audza mhamha. Ndini ndavaudza”. Mary akadaro atsamwa.

Zein akasimuka zvishoma nezvishoma akabuda mu-sitting room akaenda panze. Akasimudzira musoro wake kudenga nemeso manyoro nemisodzi. Misodzi ichiyerera ichidzika kusvika kumutsipa.

End of Chapter 15. Read the next episode, Chitsauko 16 here now

Misodzi ebook is here, get it now!

Follow/Like my page Kelvin Jasi Stories to get updates in real-time.
Join the group Trending Zimbabwe Novels/Mabhuku now. #shonanovels

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!