Misodzi: Chitsauko 13

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 13

Zein akatevera murume uya aiva akapfeka hembe isina maoko panze. Akaona Amainini Tsitsi naKatarina vakamira panze pedyo nemusiwo wechipatara. Amainini vakadzvokora Zein neziso rehumhondi.

“Amai, takumirirai kuti muuye kuzotora mwanakomana wenyu asi hamuna kuuya”, Sister Itai vakataura nezwi rakapfava.
“Kabenzi aka kamuri kuti mwanakomana wangu haasi mwana wangu asi kuti muroyi. Mukomana wamuri kuona apa, vabereki vake vakamusiya nekuda kwemweya wakaipa waainawo. Sekuru naAmbuya vake vakamutadzawo ndokubva vamurasira kwandiri. Chinhu chekutanga mangwana kuseni, kurongedza hembe dzake obuda mumba mangu, handingagari nadhiyabhurosi wemwana”, Mainini Tsitsi vakataura nehasha.
“A-aa, amai hamufaniri kutaura mashoko akadaro kumwana mudiki zvakadai. Angoriwo mwana asina chaanoziva”, Sister Itai vakapindura vachibata Mainini Tsitsi pabendekete.
“Mwana ane moyo wehusatanai anotobva pamba pangu nhasi chaiye, handikwanisi kugara naye futi”, Amainini Tsitsi vakawedzera.

Sister Itai vakashaya chekutaura. Panguva iyoyo runhare rwavo rwakabva rwarira. Vakaenda parutivi vachidavira runhare rwavo.


Zein aive akagara pacheya apo Amainini Tsitsi vakauya vakamutswinya nzeve vakaidhonza vachiimonya. Zein akazhamba nemarwadzo, Mainini Tsitsi vakawedzera kudzidhonza. Maziso ake aktsvuka kunge mhiripiri.

“Unofunga kuti ungauraya murume wangu zvobva zvangopera zvakadaro nhai? Aiwa kwete. Nhasi ndinokuuraya patinosvika kumba. Ndichatoona kuti wabatana nemurume wangu kwaukamutumira ikoko”, Mainini Tsitsi vakapopota vachisunga musoro waZein nechigunwe akadhumira megotsi pacheya yaaive akagara.

Zein akagara pacheya nedivi achichema uye kudedera nekutya nekuziva zvinokwanisa kuitwa naMainini Tsitsi. Akatarisa mudenga akatanga kunamata chinyararire kuna Mwari vari kudenga kunyangwe ainge ambotadza kutenda kwavari. Umwe moyo wake wainge uchiri wakabatira panaMwari uye uchivada zvikuru.

Aive anyerere ari pacheya, misodzi ichibvinza mumaziso ichiyerera kusvika pasi. Maziso aive achiri akanyorova nemisodzi pakadzoka Sister Itai. Chiso chavo chakaratidza kurwadziwa zvikuru asi havana kutaura chinhu.

“Handidi kudzokera kumba naAmainimi Tsitsi. Ndapota musavabvumira kuti vanditore kuenda neni kumba”, Zein akachema achizevezera Sister Itai munzeve.
“Unofanira kuenda naMainini vako kumba. Ini handina simba rekuvarambidza kuti vakutore. Handiti waigara navo pese apa, ndine urombo Zein nekuti handikwanisi kuvarambidza”, Sister Itai vakapindura.
“Ndikavatevera kumba vanonondiuraya. Ndapota Sister Itai, musatendera kuti ndiende naMainini Tsitsi kani”, Zein akadanidzira zvekuti munhu wese akazvinzwa.

“Haiwawo kasatani kemwana. Ari kuziva zvaakaita ndiko saka asingadi kuenda neni kumba”, Mainini Tsitsi vakataura zvinehasha.
“Washandisa mweya wako wetsvina waunonamata kuuraya baba vangu, handiti? Handikupomeri mhosva, ndine mhosva nemunhu uya waunonamata nguva dzose”, Katarina akataura achinongedza Zein.

Zein haana kutaura chinhu. Chaaikwanisa kuchema chete semwana mudiki. Sister Itai vakabata Zein ruoko vakamudhonzera kukona vakamubvunza mubvunzo wakamutyora mabhonzo.
“Munhu wese ari kuti uri muroyi. Ndiudze, ndiwe here wakauraya Babamunini vako Sifiso?”

Zein akatadza kutaura chinhu akaramba akatarisa Sister Itai mumaziso. Misodzi yakatanga kubuda zve ichiyerera kusvika yadonha pasi.
“Kana Amainini Tsitsi vachinditi ndiri muroyi, imi munondidaidzawo kudaro here?” Zein akabvunza ndokubva amhanya kunonhonga necklace yaJesu paaive airasira.

“Zviri nani kuti nditende kumunhu wandisati ndamboona kunyangwe asina kundiitira zvandaida kakawanda”, Zein akadaro kuna Sister Itai achigadzirisa chuma chake muhuro.

Zein aive akamira akafinyama kumeso achinamata, misodzi ichisinina. Mushandi wemumochari akauya kuna Sister Itai achimhanya akati, “Sister Itai, chitunha chiya chamaunza maawa mashoma apfuura chiri kupfakanyika. Murume uya haana kufa. Ndinopika kudai, ndazviona nemaziso angu aya muviri wake uchifamba uye achidanidzira”. Mushandi wekumochari aitaura achikurumbidza uye achiratidza kutya uye kushamisika.

Sister Itai vakakanda runhare rwavo pasi vakamhanyira kumochari nemushandi wemumochari uya.

Amainini Tsitsi naKatarina vakateverawo vachimhanya kumochari.

Zein akasara achichema uye achinetseka kuti ‘ndeupi mutumbi waiswa kumochari naSister Itai uri kutaurwa nezvawo?’ Nekuti chitunha chakaiswa kumochari naSister Itai chaaiziva ndiBabamunini Sifiso chete.

‘Vangave Babamunini Sifiso here? Vapenyu? Mwari vazopindura munamato wangu pekudzisira here?’ Zein aingozvibvunza ari nekuvhunduka kukuru.

END OF 13. Read the next episode, Chitsauko 14 here now!

Full version available here, PDF.

Join our group Trending Zimbabwe Novels/Mabhuku now.

Please like our page Kelvin Jasi Stories.

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!