NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi
CHITSAUKO 10
Amainini Tsitsi vakatanga kuzvongonyoka pasi vachichema nekudanidzira. Mary aiva mukona achingopoukuta misodzi isingaperi. Ukuwo Jack aizhamba kunge amai vake. Katarina aive akatarisa amai vake asingachemi kana kudonhedza musodzi.
Muviri waZein wainge warenguka. Hana ichirova zvisina mukare akamboona. Maziso ake aiva ati piriviri kutsvuka. Ainge asingachemi, asi ndangariro dzake dzaive kure.
“Amai, dai mambonyarara mabuda panze nevana venyu. Muchipatara muno ndapota, muri kuvhiringidza vamwe vanhu”, chiremba vakadaro nezwi rakapora.
“Kwete, kwete, kwete! Sifiso haangafi zvakadaro. Murume wangu ndiko saka ndiri kuchema. Ndapota vachiremba, itai zvamunogona kuti mumutse murume wangu. Ndine mari yakawanda, ndinokubhadharai nemaUnited States Dollars, British Pounds kunyangwe nemaEuro chaiwo. Ndaombera, please chiremba ndibatsireiwo”, Amainini Tsitsi vaitaura vachichema chiso chakati chakata nemisodzi.
“Amai, murume wenyu ashaya, saka hapana zvandingakwanise kuita uye hapana anokwanisa kuita chinhu. Aenda, aendera zvachose. Mari yenyu haidzose mushakabvu kubva kuvafi, ndine urombo Amai”, chiremba vakataura nezwi rakapora ndokubva vaenda upstairs nemanera.
“Zein andiuraya, Zein andiuraya kani! Ndiri kudemba chandikamutambirira mumba mangu. Kubva musi wandikamutora ndakazviziva kuti apa ndazvigokera jambwa guru. Ndichatangira paiko nha imiwe-e. Nyika ndichautaurira kuti chii chaitika kumurume wangu?” Amainini Tsitsi vaingochema vachipomera Zein pamusoro pekushaya kwemurume wavo.
Zein akadzungaira kushaya zvekuita uye chekuchemera. ‘Ndingachemera kuti ndati Amainini Tsitsi vauraya murume wavo here? Kana kuti ndicheme kushayika kwaita Babamunini Sifiso?’ Pfungwa dzaingopishana amire.
Zein akatanga kuyeredza misodzi, akachema zvaasati amboita. Amainini Tsitsi vakasimuka vakaswedera pedyo naZein vakati, “wabudirira ka kumuuraya. Ndinoda kukuuraya nhasi”. Vakataura nehasha ndokubva vamumhara nembama ina. Pavainge vave kuda kumukava, pane mukoti akabva akavabata.
“Aiwa amai hamufaniri kuita chinhu chakadaaro. Munofanira kunge muchifunga kuti muchaviga sei murume wenyu kwete kuda kuuraya mwana”, mukoti uya akadaro.
Amainini Tsitsi vakabuda panze nevana vavo nehasha. Zein akateverawo achimhanya kumashure kwavo.
“Saka uri kufunga kuti uri kuenda kupi? Uri kuda kukwira mumota maani, he-e? Wauraya murume wangu apa wave kuda kuuraya ini nevana vangu futi, handiti? Sengu remunhu! Enda unomudya uko, kamuroyi kemwana”, Amainini Tsitsi vakataura nehasha ndokubva vavhetemesa motokari yavo vakati hutu kuenda.
Zein akamhanyora motokari achichema asi Mainini Tsitsi havana kumumirira. Akadzokera muchipatara achichema akanopinda mukamuri makashaikira Sifiso. Akachema zvaisiririsa.
Mushure mechinguva chidiki, makoti nachiremba vakauya kuzotora mutumbi waSifiso kuti vauendese ku-mortuary vakaona Zein achichema.
“Uchiri kuitei muno? Unofanira kuenda kumba, kunze kwadoka uku”, Doctor vakadaro vakafinyamisa kumeso.
“Nguva dzava 8PM. Ko amai vako nehanzvadzi dzako varipi?” Mumwe wemakoti akabvunza.
Zein akapindura nezwi raigwinha-gwinha, “va-e-nda ku-mba”.
“Enda unomira panze. Tinoda kutora mutumbi uyu”, Doctor vakadaro nezwi riri pasi.
“Doctor, munozvitenda here kuti ndini ndauraya Babamunini Sifiso?” Zein akabvunza meso nematama zvakanyakata nemisodzi.
“Kwete mwanangu, hauna kuvauraya. Mwari ndivo vanoziva kuti vavatorerei. Munhu wese achafa nemumwe musi nekuti tese tinorarama nenyasha dzaMwari pasi pano. Nguva yavo yasvikawo uye hatifaniri kubvunza Mwari kuti vazviitirei. Mwari vanopa uye vanotora. Hazvirevi kuti hupenyu hwaperera pano, Mwari vanoziva machengetero avanoita vana vavo. Ndizvo zvandikaudzwa naMufundisi vangu”, Doctor vakapindura.
“Doctor munotenda kuti kunaMwari here?” Zein akabvunza aschishamisika.
Chiremba vakaseka. “Hapana Mwari panyaya iyi. Kana munhu afa anenge afa”.
“Zvakanakai.” Zein akaenderera mberi achiti, “kana imi musingatendi kuti kuna Mwari, ndinokumbira kuti munditendere kuti ndivanamatire. Babaminini Sifiso vakasamuka pakusvika mangwana mangwanani, munozovaisa zvenyu ku-mortuary”. Akavatarisa mumaziso kubva kuna chiremba kusvika kumakoti ose aivepo.
Chiremba nevakoti vakakangwa mate mukanwa nemashoko aibuda mumuromo maZein.
“Tine urombo, havachafaniri kugara mukamuri muno nekuti vafa kare, vave kufanirwa kuiswa mumochari. Chipatara chedu ndicho chiripamusoro munyika muno, kana munhu afa hapana chingaitwa kuti amuke zve”, mumwe wemakoti akapindura.
“Aiwa Sister Itai, ngatimubvumidzei kuti anamate. Mangwana kuseni tinozoisa mutumbi kumochari kana asina kumuka”, chirema vakadaro ndokubva vose vabuda kuenda.
Zein akasara ari ega mukamuri iya. Ndiwo musi waakatanga kuona chitunha muupenyu wake. Hana yake yairova zvaitambisa juzi raaive akapfeka, aitya zvikurusa.
Usiku hwose, Zein ainamata achichemera Mwari kuti vamutse Sifiso asi hapana chakachinja. Havana kuratidza kupfakanyika kana kufema zvako. Mangwanani aitevera, chiremba vakauya naSister Itai kuti vatore mutumbi vauise kumochari.
“Ndakakuudza nezuro kuti baba vako vafa. Hakuna Mwari. Takaberekerwa kuti tiberekewo nekufa chete”, chiremba vakaudza Zein vachisekerera zvekumusvotesa.
Chiremba vakatendukira kunaSister Itai vakavatuma, “mubvisei oxygen”.
“Kana mapedza kuisa chitunha mumochari, muende nemwana uyu kumba kwake”, chiremba vakaenderera mberi.
Zein akatsamwa zvikuru, akabuda panze achichema. Akakatanura chuma chakanyorwa kuti ‘Jesus’ chaakapiwa naambuya vake akachikanda pasi. Akamira akaruma mazino akatarisa zvidimbu zvechuma chiya achirangarira zvaakaudzwa naAmbuya kuti “Jesu ndiye chiedza chenyika”.
‘Kana Mambo Jesu vari chiedza chenyika, sei vasina kudzivirira Babamunini Sifiso?’ Akafunga izvi achichema.
Zein ari pakati pekuchema kudaro, akavhundutswa nezwi raSister Itai vachiti, “chinyarara kuchema. Pukuta misodzi pamatama ndikuperekedze kumba”. Vakataura nezwi rakapfava.
“Handidi kudzokera kumba. Amainini Tsitsi vanondiuraya”, Zein akapindura achipfikura, matama azere nemisodzi.
“Havakuuraye. Ndinoenda newe inini”. Zein akapinda mumotokari vakapinda mumugwagwa.
END OF CHITSAUKO 10. Read the next episode, Chitsauko 11 here now!
Grab your copy of Misodzi PDF now!
Join the Facebook group, Trending Novels now.
Like the page Kelvin Jasi Stories.

