Misodzi: Chitsauko 8

NOVEL TITLE: Misodzi
AUTHOR: Kelvin Jasi

CHITSAUKO 8

Amainini Tsitsi vaive nehutsinye hunotyisa kuna Zein zvekuti paaivatarisa ainzwa kutya. Nguva zhinji Zein aigara achizvibvunza kuti, ‘Chii chandikaita kuti ndivengwe nemudzimai uyu? Sei vachindibata zvakashata kudai?’ Mibvunzo iyi yaigara iri mumusoro make.

Zein achienda kukamuri kwake achichema, achirwadziwa uye kusuwa murume waMainini Tsitsi akamuona. Akadambura runhare nekukurumbidza.
“Zein, Zein!”
Zein akamira akatarisa kwaari.
“Unofanira kunge uchidya nevamwe ku-dining room. Uri kuchemei uye uri kuenda kupi?” Akabvunza achimupukuta misodzi.
“Handisi kuchema, baba”, Zein akapindura.

Murume waMainini Tsitsi akatsamwa. Akabata Zein ruoko akadzokera naye ku-dining table.
“Tsitsi, Tsitsi”, akadaidza Manini Tsitsi asi haana kudavirwa.
“Amai venyu vari kupi?” Akabvunza Jack.
“Vaenda panze kumotokari yavo”, Jack akapindura.

Zein aive akamira pedyo netafura Baba Jack pavakabuda panze. Jack aidya uku achiseka Zein.
“Usaseka zvinhu zvisina basa Jack”, Katarina akatsiura Jack.
Zein akatendeuka akatarisa TV nemeso akayangamara misodzi. Katarina akatarisa Zein, akasimuka kuenda kukamuri yake yaanorara akatanga kuchemawo.

“Zein, kubva paukauya pamba pano chinhu chete chaunoita kuti vabereki vangu vagare vachirwa. Amai vakataura chokwadi kuti uri muroyi”, Jack aitaura izvi akanongedza Zein nemunwe.

Zein aingochema. ‘Kubva pandikatsika mumba maMainini Tsitsi handina kubvira ndawana rugare, idambudziko mushure medambudziko. Ndiri muroyi here inini, he-e? Kana ndisiri muroyi, vabereki vangu vakandisiirei chaizvo?’ Mibvunzo yaingotuhwina madiro mupfungwa dzake, misodzi ichiwedzera.

Zein paainge ari kure nemifungo, Katarina akapinda akamhara chiso chaJack nembama. Yakarira zvakavharira nzeve dzaZein zvekuti akavhunduka.
“Ukangodana Zein kuti muroyi futi, ndichakubhura zvausati waona, Jack”, Katarina akataura nehasha.

Jack akakwetsura mhere akabata paarohwa akamhanya kunoreva kunaMainini Tsitsi.

“Katarina wanga usingafaniri kudaro kune hanzvadzi yako. Amainini Tsitsi vanozofunga kuti ndini ndiri kukonzera matambudziko ose pamba pano”, Zein akatsiura Katarina.
Katarina akatarisa Zein akafinyamisa huso achiratidza kufungisisa zvataurwa naZein. Haana kutaura chinhu, akabuda kuenda kukamuri yake.

Mary aiva akati tsiki tsiki nerunhare rwake pavakanzwa ruzha panze. Akakanda phone yake pasi, akamhanyira panze kuti vaone kuti chii. Zein akateverawo.

“Dambudziko rako chaizvo nemwana nderei? Ndipindure Tsitsi. Kubva ndasvika pano chiso chemwana uyu chinogara chine misodzi minyoro. Haunawo here ngoni mumoyo mako?” Murume Wamainini Tsitsi aitaura chirasa maoko.
“Ndizvo zvawasiira kudya chikafu izvozvo kuti undituke? Unombozivei, handina nguva newe parizvino. Enda unodya chikafu chako usiire nyaya iyoyo kunaSmith”, Manini Vakapindura ndokubva varidza tsamwa.
Murume wavo akamukwatura nembama kumeso. Mainini Tsitsi vakatanga kuchema vachidaidzira Mary naKatarina kuti vauye kuzovabatsira.

“Saka uri kundirova nekuda kwemukomana kasina basa aka? Zein anofanira kubva pamba pano nhasi chaiye”, Amainini Tsitsi vaitaura vachichema misodzi.
“Imba yangu ino saka ndine simba rekutendera kuti ndiani anogara pano uye anofanira kubva pano. Kana pane munhu anofanira kubva pano, ndiwe. Zviise mumusoro mako izvozvo”, Sifiso akadaro ndokubva adzokera mumba.
“Uri uenda kupi? Dzoka upedzise zvawatanga. Ndiuraye izvozvi. Ndiri kuda kufa, ndiuraye izvozvi”, Amainini Tsitsi vaidzanidzira vachisvimha misodzi.

Zein achiona izvi, akafamba nenhendeshure kudzokera mumba, akaenda kukamuri kwake.

Amainini Tsitsi havana kunyarara, vaingoshevedzera. “Gwara remurume uri kupi? Une moyo wakasviba zvikuru. Buda panze tirwe, handiti urikuda zvekurovana. Huya ka undirove, ukasandirova nhasi uri imbwa”.

“Mhamha ndapota, zvakwana”, Mary akademba.
“Ndiri kuda baba vako vandiuraye. Uya undiuraye nhasi chaiye, kandonda kemurume”, vakawedzera, vachituka.
Sifiso akabuda panze akatarisa Mainini Tsitsi. Akatura befu, ndokubva ati, “unomboziva here kuti ndiri murume wako? Unofanira kundiremekedza nekutaurawo neni zvakanaka. Rangarira kuti uri munhu mukuru, uye kuti pane vana. Uite zvandakuudza kwete zvawataura”, Sifiso aitaura nezwi riri pasi asi rakazara hasha.
“Kana uri murume wangu unofanira kuzviratidza ka”, Mainini Tsitsi vakapindura.
“Handina nguva netwunyaya twako twenhando. Ndiri kuenda nemwana uyu ku-restaurant kuti adye akasungunuka afarewo sevamwe vana”.
“Enda naye ku-restaurant yekuDhubhai, handikendenge. Ndinoziva kuti achadzoka ndiripo pano ini chidzachepo”, Mainini Tsitsi vakapindura.

Zien akavhunuduka akashaya zvekuita paakashedzwa naSifiso kuti auye pedyo naye. Akaenda pedyo naye, akabatwa nekutya kukuru apo Amainini Tsitsi pavakamhanyira mumotokari vakamutsa hinjini. Zein naSifiso vainge vakamira pamberi pemotokari yaMainini Tsitsi.

“Ukasasuduka, ndichakutsika ukafira ipapo”, Mainini Tsitsi vakataura nehasha dzaityisa.

“Daddy sudurukai ndapota”, Katarina akakumbira baba vake.
“Handibve pandikamira. Havanganditsiki nemotokari yangu yandikatenga. Amai vako vanofanira kundiremekedza”, Sifiso akapindura akatarisa Katarina uyo aive afushirika maziso nemisodzi.

Zein aive akatarisa Amainini Tsitsi. Ukasha hwaive mumaziso avo hwakaita kuti asvetukire kudivi ipapo ipapo. Chinguva ichocho, Amaini Tsitsi vakasvetutsa mota yakananga murume wavo ikavanamatidza negedhi. Sifiso akadonha nedivi achibvinza ropa pahuma.

“Mhamha, mauraya Daddy!” Katarina akaridza mhere achitsika-tsika pasi zvine simba.
“Sifiso simuka, ndapota simuka”, Amainini tsitsi vakachema vakabata murume wavo, Sifiso.

MAGUMO ECHITSAUKO 8. Read the next episode, Chitsauko 9 here now.

Grab your Misodzi PDF here now.

Like our page Kelvin Jasi Stories kuti musapotswe nezviri kuuya. #shonanovels ????

Like
Spread the love

Leave a Comment

error: Content is protected!