January 2022

Misodzi: Chitsauko 5

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 5 Mushure menguva inenge maawa matatu, Zein aicheredzera mvura muzidhiramu zihombe paakanzwa bhero remotokaari yaManini Tsitsi. Pakarepo akamhanyira kuseri kwemba kunohwanda. Zein aivadongorera vakabereka Jack vachipinda mumba. Zein akanyahwaira akanopinda mumba make ndokubva anyarara. Akanzwa Mary achibvunza Mainini Tsitsi kuti rwendo rwekuchipatara rwafamba sei. Mainini Tsitsi havana kupindura. “Kari […]

Misodzi: Chitsauko 5 Read More »

Misodzi: Chitsauko 4

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 4 Mary, sisi vavo vakuru akatora dhishi akatanga kugeza tsoka yaJack. Zein haana kunzwisisa kuti Jack atsika sei girazi rakatsemuka iye atsvaira mukicheni mose akakanda tsvina yose nemagirazi ose mubhini. ”Wachekwa sei negirazi rakatsemuka, Jack?” Katarina akabvunza achishamisika. Jack aichema saka haana kukwanisa kupindura. “Zein, mhamha havana kukuti utsvaire

Misodzi: Chitsauko 4 Read More »

Misodzi: Chitsauko 3

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 3 Mainini Tsitsi vakamira pamusiwo vachinetseka kuti mandiro mapfumbamwe aputsika sei pamwe chete. Maziso avo aioneka kuzara nehasha. Vachifemera pamusoro kunge mombe yadzipwa nechitirobho. Mukati mavo vachiita kuvira kunge sekachaso. Zein achichema akatanga kunhonga magirazi. Jack akamhanya kubuda mukicheni achitya kurohwa naamai vake. Zein akatarisa meso amainini Tsitsi akanzwa

Misodzi: Chitsauko 3 Read More »

Misodzi: Chitsauko 2

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi Chitsauko 2 Mainini Tsitsi vakanopinda mukicheni vachimhanya vakawana Zein achiunganidza magirazi apwanyika pasi. “Jesu!” Vakakatyamara MaininI Tsitsi vachibva vawatsura Zein nembama kumeso. Mwana akadonhera pamusoro pamagirazi neuso, paaimuka akabva amatsika zve magirazi aya. Kutya kukuru kwakamubata, mufaro wese hwekuva pamba paMainini Tsitsi hukapera pakarepo. Makumbo ake akange obvunda seapindwa nechando.

Misodzi: Chitsauko 2 Read More »

Misodzi: Chitsauko 1

NOVEL TITLE: MisodziAUTHOR: Kelvin Jasi CHITSAUKO 1 Zein paaive nemakore mana, Amainini Tsitsi vakamuendesa kuchikoro. Sevamwe vana akatanga kudzidza kunyangwe aiva mudiki pazera zera rake kuti atange kuita Grade 1. Musi wake wekutanga kupinda chikoro akatanga kuongorora vana vaive mukirasi make, mudzidzisi wake uye chikoro chose sezvo zvose zvaive zvitsva kwaari. Zein akakurira kumusha nambuya

Misodzi: Chitsauko 1 Read More »

error: Content is protected!